Accessibility links

Breaking News

SADC Yovimbisa Kutsvagira Zimbabwe Mari yeSarudzo


sadc
sadc
Sangano reSouthern Africa Development Community, SADC, rinoti richaita musangano mukuru wekutsvagira Zimbabwe mari yekuti iite sarudzo gore rino.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaudza vatori venhau panhandare yeHarare International Airport neMuvhuro kuti vatungamiri venyika dzemuSADC vakatenderana kuti vaite musangano uyu kuitira kuti vaunganidze mari inosvika mamamiriyoni zana nemakuma matatu emadhora iri kudiwa kuti nyika iite sarudzo.

Vatungamiri venyika dzemuSADC ava vakaita musangano wavo kumucheto kwemusangano weAfrican Union kuAddis Ababa, Ethiopia.

Munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salomao, vakataurawo kuti SADC ichabatsira Zimbabwe vari kuAddis Ababa. aAi patavabvudza kuti vatipe zvizere nezvehurongwa uhwu, VaSalaomao vati havakwanise kutaura zvizere nezvehurongwa uhu sezvo vange vari parwendo kuenda kuJohannesburg, South Africa.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vakatonyora tsamba kuhurumede dzine hupfumi huri nani muSADC dzinoti South Africa neAngola vachitsvaga mari yekuita sarudzo. Asi South Africa yakati zviri nani kuti chikumbiro ichi chiendeswe kuSADC.

Aka handi kekutanga SADC ichivimbisa kuti inoda kutsvaga mari yekubatsira Zimbabwe.

Muna 2009, SADC yakavimbisa kuti yaizotsvagira Zimbabwe mari inosvika mabhiriyoni masere nemazana mashanu ezviuru zvemadhora yekuyedza kumutsiridza hupfumi. Asi hapana chakabuda pachivimbiso ichi.

Vamwe vakuru muSADC vanoti sangano iri richangoenda kunyika dzinobatsira kuti ritsvage mari nekuti kana irowo riri kutatarika kuti riwane mari.

Zimbabwe yakambokumbira United Nations mari yesarudzo asi hapana chakabuda zvichitevera kupesana kuri muhurumende yemubatanidzwa pakati peZanu PF neMDC.

Zanu PF yakati hapna mari inobva ku UN ichatambirwa nekuti yaida kushandisa mari iyi semukana wekutumira nhumwa kuzoongorora mamiriro akaita zvinhu munyika isati yabvisa mari iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaGideon Chitanga, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro paRhodes University vanoti SADC ichangoshanda sezambuko pakati peZimbabwe ne nyika dzekunze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG