Accessibility links

Breaking News

Dare reMakurukota Rozeya Nyaya yeMitemo yeSarudzo


Tsvangirai, Mugabe and Mutambara
Tsvangirai, Mugabe and Mutambara
Dare remakurukota neChipiri rakatanga kuzeya nyaya yemitemo inofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti ienderane nebumbiro idzva sarudzo dzisati dzaitwa munyika.

Richitungamirwa negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa veZanu-PF, dare iri rakatarisawo mavandudzirwo angaitwa mitemo yakaita sePublic Order and Security Act, POSA, Access to Information and Protection of Privacy Act, AIPPA, Electoral Act, Urban Councils Act, Police Act, Defense Act, Broadcasting Act nemimwe.

Zvinonzi makurukota aya akawirirana kuti vanhu vasaratidze bepa ravo revanoisa vhoti yavo, izvo Zanu-PF yanga ichiti vanhu varatidze vavhotesi, ukuwo MDC ichiti kwete.

Mamwe makurukota asina kuda kudomwa nemazita sezvo vasingatenderwi kutaura nevatori venhau, vanoti VaChinamasa vari kukundikana kuti vange vachipedza nenguva zviri kuda kuti zviitwe sarudzo dzisati dzaitwa.

Vamwe vakuru vakuru muZanu-PF vanoti chiri kupa kuti VaChinamasa vatadze kupedza kugadzirisa zviri kudiwa kunyange bato ravo riri kuti rinoda sarudzo nechimbi chimbi inyaya yekuti vari kumbopota vachinotsvaga rutsigiro musarudzo dzemaprimary dzebato ravo.

VaChinamasa vari kuda kukwikwidza musarudzo dzekuMakoni Central uko vanonzi vari kuoneswa ndondo nechimwe chikwata chinotsigirana nemunyori wezvekufambiswa kwemabasa mubato, VaDidymus Mutasa.

Vaviri ava vanonzi makara asionane. Imwe nyaya yakurukurwawo nezvayo inyaya yechirongwa chekunyoreswa kwevanhu kuti vavhote munharaunda mawo chanzi nevakawanda mudare iri hachisi kufamba zvakanaka.

Dzimwe nyaya dzakurukurwa mudare remakurukota dziri kutarisirwawo kuzeyiwa mupolitiburo yeZanu-PF neChitatu.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo vatenda kuti vachazeya nyaya dzesarudzo muPolitiburo yebato ravo.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora vatiwo vari kuda kuti mitemo ivandudzwe sarudzo dzisati dzaitwa.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG