Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yoyedza Kugadzirisa Bopoto kuMasvingo


Zimbabwe Politics
Chikwata cheZanu-PF chiri kutungamirwa nasachigaro webato iri, VaSimon Khaya Moyo, chiri muMasvingo umo chiri kuyedza kupedza bopoto riri mubato iri apo ratarisana nesarudzo dzenyika.

Vane ruzivo nezviri kuitika kuMasvingo vanoti komiti yaVaKhaya Moyo yakatarisana nematambudziko makukukutu sezvo vamwe muProvincial Cordinating Committee, PCC yebato iri, vakaita musangano muchiwande svondo rapera vakapika kuti havasi kuzotendedza vakuru vebato kubvisa vatungamiri vebato mudunhu reMasvingo sezvakaitwa kuManicaland neBulawayo.

Chikwata chaVaKhaya Moyo chiri kusangana nevePCC ava vanosanganisira nhengo dzePolitiburo, Central Committee, National Consultative Assembly, pamwe nehutungamiri hwebato mudunhu kusanganisirawo vamiriri vevaimbova varwiri vehondo yerusununguko.

Kushanya kwechikwata chaVaMoyo kunotevera tsamba inonzi yakanyorwa naVaTrainos Huruva vanoona nezvekufambiswa kwemabasa ezvematongerwo enyika mudunhu iri.

VaHuruva vaipomera vakuru vedunhu reMasvingo mhosva yekuramba kushanda nemutevedzeri wemutungamiri webato iri, Amai Joyce Mujuru.

Vakuru vebato muMasvingo vakawanda vanonzi vari kuchikwata chinotsigira gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, uye vari munyori wemitemo mubato iri, VaEmerson Mngangagwa.

VaMnangagwa naAmai Mujuru vanonzi vari kutsikana konzi panyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chemutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, avo vakwegura.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti vanotarisira kuti dambudzikorekuMasvingo richagadziriswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG