Accessibility links

Breaking News

Chirongwa Chekunyoresa Vavhoti Munharaunda Dzavo Chotanga neMuvhuro


Justice Rita Makarau
Justice Rita Makarau
Komisheni inoona nezvesarudzo munyika, yeZimbabwe Eectoral Commission, ZEC, inoti mari yakabva kubazi rezvemari kuti ishandiswe mukunyoresa vanhu kuti vazokwanisa kuvhota, yava muhomwe yayo.

Chirongwa ichi chichatnga neMuvhuro, uye chichatora mazuva makumi matatu sezvinosungirwa nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Chirongwa ichi chakakosherawo zvikuru vaye vaimborambidzwa kuvhota vachinzi vabva kure kana kuti aliens, sezvo vave kukwanisa kuti vanyorese kuvhota.

Sachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, vanoti vari mubishi kuronga kutumira vanhu kumativi mana ose enyika kuti vanyorese vanoda kuvhota.

Zvichakadaro, sangano reZimbabwe Election Support Network, ZESN, raburitsa gwaro rinotarisa nezvehurongwa hwekutanga hwekupinda muvanhu vachinyoreswa kuti vavhote rinonzi.

Chirongwa ichi chakatangwa musi wa 29 Kubvumbi chikapera musi wa 21 Chivabvu.

ZESN inoti yakatumira vanhu kumatunhu ose enyika aaitwa chirongwa ichi ikaona kuti chainge chisiri kufambiswa zvakanaka nepamusana pezvikonzero zvakasiyana siyana zvinosanganisira kushaikwa kwemari, kusashambadzwa zvakakwana, pamwe nekusava nevanhu vakawanda vaiita basa nezvimwe.

ZESN inoti zvose izvi zvinofanirwa kugadziriswa muchirongwa chepiri chiri kutanga neMuvhuro.

Mukuru weZESN, Amai Rinda Chipfunde-Vava, vanoti vanovimba kuti chirongwa chichatanga neMuvhuro chichaitwa zvakanaka.
XS
SM
MD
LG