Nyaya yekunyoreswa kwevanhu kuti vange vachikwanisa kunovhota iri kuenderera mberi kunyange hazvo paine kukandirana makobvu nematete.
Hutungamiri hweZanu-PF huri kukurudzirwa nevamwe mubato iri kuti humire nyaya yekudaidzira sarudzo sezvo mubato iri maita kunetsana kwakanyanya.
Mapato eZanu-PF neMDC aramba kurudziro iri kubva kusangano reInternational Crisis Group kana kuti ICG yekuti awedzere hupenyu hwehurumende yemubatanidzwa kuitira kuti iwane nguva yekugadzirisa misariridzwa yemuGlobal Political Agreement.
Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muNamibia, Amai Netumbo Nandi Ndaitwah, vanoti mashoko ekuti vakaramba kuita hurukuro naVaTsvangirai handi echokwadi.
Mutungamiri wesangano revechidiki reMDC-T kana kuti youth assembly VaSolomon Madzore vakasungwa nemapurisa neChina vachipomerwa mhosva yekuti vakatuka mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kumusangano wakaitwa nemugovera kuMbire kuMashonaland Central.
Reverend Jessie Jackson vari muZimbabwe vakazvimirira vachiita misangano nevakuru vehurumende pamwe nevemabhizimisi.
Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, dzakapinda munyika neChipiri kuzogadzirisa gwara resarudzo.
Kunetsana zvakanyanya muzanu-pf kunonzi kwava kupa kuti zvinhu zvinyanyoita manyama amire nerongo mukambani inogadzira mafuta ekufambisa anogadzirwa nenzimbe, yechisumbanje ethanol plant.
Zimbabwe International Trade Fair riri kuvhurwa zviri pamutemo neChishanu nemutungamiri weMalawi, Amai Joyce Banda.
Makurukota matatu anoona nezvekutsvagwa kwemari yesarudzo ari kutarisirwa kusangana svondo rino kuti azeye nyaya yemari yesarudzo.
VaRobert Mugabe naVaMorgan Tsvangirai vanenge vave kududza panyaya yavo yekuda kuti gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, uye gurukota rebumbiro nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vagadzire ivo hwaro hwesarudzo.
Kunetsana muhurumende yemubatanidzwa kuri kuramba kuchienderera mberi panyaya yechikumbiro chemari yesarudzo kubva kusangano remubatanidzwa wenyika dzepasi rose reUnited Nations.
Bato reMDC T razivisa nhasi kuti rave kuzoita sarudzo dzekutsvaga vacharimira musarudzo dzenyika kana kuti primary elections, musi wa 3 Chivabvu mukugadzirira sarudzo dziri kutarisirwa gore rino
Dare repamusoro soro neChipiri rakatenda kuti rinzwe nechimbi chimbi nyaya yakakwidzwa kudare iri nevaimbova vamiriri vedare reparamende munzvimbo nhatu dzemuMatabeleland varikuda kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vatare zuva resarudzo dzema by-elections.
Mutungamiri wehurumende varizve mutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai vanenge vanenge vari muChiredzineMugovera vachiparura chirongwa chebato ravo chekutanga kutsvaga rutsigiro sezvo nyika yotarisira kuita saudzo gore rino.
Mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe vaudza gurukota rezvemari vaTendai biti uye gurukota rezvemitemo VaPatrick Chinamasa kuti vagadzirise nechimbi chimbi nyaya yekuti Zimbabwe yoita sei nechikwata cheUnited Nations chiri muSouth Africa chakananga kuZimbabwe.
Mutauriri wemutungamiri wehurumende VaLuke Tamborinyoka vanyora tsamba kuhofisi yeZimbabwe Media Commission vachigunun’una nenyaya yekuti bepanhau reHerald riri kuita basa rekuvasvibisa
Vaimbova vamiriri vedare reparamende munzvimbo nhatu dzekuMatabeleland dzinoti Nkayi South, Bulilima East ne Lupane East neChipiri vakakwidza mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kudare repamusoro soro reSupreme Court zvakare nenyaya yavo yekusada kutara zuva rekuti sarudzo dzema by-elections dziitwe munzvimbo idzi.
Vaimbova mutungamiri wehurumende yeBritain Amai Margaret Thatcher vaizivikanwa kuti "Iron Lady" vakashaya neMuvhuro mushure mekuoma mutezo kana kuti stroke.
Nyanzvi munyaya dzezvemitemo dzinoti hazvisi nyore kudzinga basa mutongi wedare repamusoro VaCharles Hungwe.
Rodhai zvimwe