Accessibility links

Breaking News

Hofisi yaVaTsvangirai Yoramba Nyaya yeZanu-PF Yekuti Zimbabwe Haichadi Mari yeUnited Nations Yekuitisa Sarudzo.


Kunetsana muhurumende yemubatanidzwa kuri kuramba kuchienderera mberi panyaya yechikumbiro chemari yesarudzo kubva kusangano remubatanidzwa wenyika dzepasi rose reUnited Nations.

Mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai vanoti nhaurirano neUN dziri kuenderera mberi asi bato reZanu-PF rinoti harichada mari iyi.

Makurukota eZanu-PF anoti VaPatrick Chinamasa vanova gurukota rinoona nezvemitemo uye VaSimbarashe Mumbengegwi, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika vakatozivisa kuti hurumende haichatodi rubatsiro rweUN.

Zanu-PF yave kushora UN ichiti sangano iri rinoda kuuya kuzosora munyika richisiyana nenyaya yekungopa Zimbabwe mari yekuti iite sarudzo yayakakumbura munaKukadzi.

Asi hofisi yemutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai iri kushora veZanu-PF ichiti vakakurumidza kumedza kutsenga vachada nekuti vatungamiri venyika vachiri kuzeya nyaya iyi.

Zimbabwe yakanyora tsamba kuSouth Africa neAngola ichitsvaga mari inosvika zana remamiriyoni ane makumi matatu nemaviri emadhora yesarudzo asi zvinenge zviri kunetsa kuwana mari iyi. Nyika dzakawanda dziri kukurudzira Zimbabwe kuti iende kuUN.

Mutauriri waVaTsvangirai VaLuke Tamborinyoka vanoti VaChinamasa handivo vanotaurira vatungamiri vehurumende. Mutauriri weZanu-PF VaRugare Gumbo vati vanotsigira mashoko aVaChinamasa ekuti Zimbabwe isiyane neUnited Nations.
XS
SM
MD
LG