Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voendeswazve kuDare neNyaya yeSarudzo Dzemamwe Matunhu


Zimbabwean President Robert Mugabe looks on during Defense Force Day Commemorations in Harare, (file photo - 10 Aug. 2010)
Vaimbova vamiriri vedare reparamende munzvimbo nhatu dzekuMatabeleland dzinoti Nkayi South, Bulilima East ne Lupane East neChipiri vakakwidza mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kudare repamusoro soro reSupreme Court zvakare nenyaya yavo yekusada kutara zuva rekuti sarudzo dzema by-elections dziitwe munzvimbo idzi.

Vatatu ava vanoti havasi kufara nemutongo wakapihwa nemutongi wedare repamusoro VaGeorge Chiweshe wekuti munzvimbo dzavaimirira musaitwe sarudzo sezvo hupenyu hweparamende huri kuguma musi wa29 Chikumi.

Nyaya iyi yakaendeswa kumatare mugore ra2010 asi iri kungoramba ichitenderera mumatare.

VaMugabe vari kuramba kuti vatare zuva resarudzo vachiti kutambisa mari sezvo sarudzo dzenyika yose dzichaitwa mumwedzi mishoma inotevera.

Asi magweta anoti sarudzo hadzimiswi nekuti hapana mari. VaAbednico Bhebhe vaimbomirira Nkayi South vatenda kuti mapepa aendeswa nemagweta avo eZimbabwe Lawyers for Human Rights.
XS
SM
MD
LG