Accessibility links

Breaking News

MDC neZanu-PF Dzoramba Kuwedzera Makore eHurumende yeMubanatanidzwa


Mapato eZanu-PF neMDC aramba kurudziro iri kubva kusangano reInternational Crisis Group, ICG, yekuti awedzere hupenyu hwehurumende yemubatanidzwa kuitira kuti iwane nguva yekugadzirisa misariridzwa yemuGlobal Political Agreement.

NeMuvhuro ICG yakaburitsa gwaro rinonzi “Zimbabwe Election Scenarios” iro riri kukurudzira kuti hupenyu hwehurumende yemubatanidzwa huwedzerwe kuitira kuti munyika muitwe shanduko nesarudzo dzinotambirwa nemapato ose nenyika dzekunze.

Asi sangano ravana chipangamazano iri rinoti pakaitwa hurumende yemubatanidzwa panenge poda kuti ipinzwe mamwe mapato madiki uye masangano akazvimirira oga. ICG inoti nemazuva ari kutaurwa neZanu-PF neMDC kuti sarudzo dziitwe, haione paine chinenge chagadziriswa munyaya dzesarudzo zvichapa kuti kunetsana kuenderere mberi.

Mutungamiri weSouth Africa, uye vari mutongi gava panyaya yeZimbabwe, VaJacob Zuma, vari kutatarika mukuumba gwara nehwaro hwesarudzo nekuda kwekusawirirana kwemapato ari muhurumende.

ICG inoti masangano akaita seZimbabwe Electoral Commission neJOMIC haana meno. ICG inotiwo nyaya yekutadza kuvandudza mashandiro emauto nemapurisa ichakonzerawo mutauro sezvo ichiona vemauto vachipindira zvakanyanya.

Chipangamazano cheICG kuchamhembe kweAfrica, VaTrevor Maisiri, vanoti havaone sarudzo dzichiitwa gore rino misariridzwa yeGPA yapera.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanot bato ravo riri kuda sarudzo nechimbi chimbi.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, varambawo nyaya yekuwedzera hupenyu hwehurumende yemubatanidzwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG