Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKunyoresa Vavhoti Yoramba Ichiita Mutauro


Nyaya yekunyoreswa kwevanhu kuti vange vachikwanisa kunovhota iri kuenderera mberi kunyange hazvo paine kukandirana makobvu nematete pakati peZanu-PF, MDC nekomisheni iri kuita basa iri yeZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC.

VeMDC-T vari kushora ZEC vachiti iri kushandiswa neZanu-PF mukuomesera vatsigiri vayo kuti vange vachivhota.

Sachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, vanoti vakapihwa mari inosvika zviuru mazana mashanu zvemadhora.

Asi vachitaura nenhepfenyuro yeStarFm, mabharani mukuru wehurumende, VaTobaiwa Mudede, vakati vainge vapihwa mari inosvika mamiriyoni mana.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemari, VaTendai Biti, kuti tinzwe kuti imarii yavakapa mahofisi aya.

Vanhu vakawanda vari kuchema chema kuti kuri kuenda kunonyoreswa kure, uye zviri kudiwa zvacho kuti vange vachinyoresa mavhu nemarara.

Dare remakurukota rakambokurudzira kuti zvinodiwa zvirerutswe asi uku kwakava kupedzera hoko padehwe retsindi. Asi nyaya yekunyoresa kuvhota iyi yagara hayo ichiitwa mazuva ose panenge pakavhurwa mahofisi ehurumende.

Chirongwa chekuenda kumahwadhi ndechekungorerutsira vanhu. Vanhu vanokurudzirwawo kuti vanoona kuti mazita avo aripo here pagwaro revavhoti.

Munyori anoona nezvesarudzo muMDC-T, VaCecil Zvidzai, vashora ZEC vachiti iri kutsigira bato reZanu-PF.

Asi vanoshanda mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF, VaPsychology Mazivisa, vanoti mashoko aya ndeemugotsi matsuro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG