Accessibility links

Breaking News

Amai Margaret Thatcher Vanoshaya


Vaimbova mutungamiri wehurumende yeBritain Amai Margaret Thatcher vaizivikanwa nerekuti "Iron Lady" vakashaya neMuvhuro mushure mekuoma mutezo kana kuti stroke.

Vange vave nemakore makumi masere nemanomwe ekuberekwa. Amai Thatcher vakatungamira Britain kubva muna 1979 kusvika muna 1990.

Vatungamiri venyika dzakawanda kusanganisa mutungamiri wenyika yeAmerica Vabarack Obama vabatana mukuchema Amai Thatcher. Mapato eMDC- ati ararwadzikana zvikuru nerufu urwu.

Asi Mutauriri weZanu-PF VaRugare Gumbo vati Studio 7 itaura negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSimbarashe Mumbengegwi avo vasina kudavira nhare dzavo.

Nyanzvi munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika VaClifford Mashiri vaimboshanda kumuzinda weZimbabwe kuEthopia vanoti Amai Thatcher vainge varipo pakaitwa hurukuro dzeLancester dzekuunza kuzvitonga kuzere muZimbabwe kunyangwe vakawanda vachiri kugunun'una nechibvumirano ichi.

Nyaya yaAmai Thatcher yekudyidzana neSouth Africa munguva yehutongi wehudzvanyiriri kana kuti "apartheid" inoitawo kuti vashorwe nedzimwe nyazvi munyaya dzezvematongerwo enyika.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG