Accessibility links

Breaking News

MDC T Inobvumidza Dzimwe Nhengo Kupinda Musarudzo Dzeprimary


Mapato eZanu PF neMDC T ari mubishi kugadzirira nezvesarudzo dzemaprimary idzo dzichatsvagiswa vachamirira mapato aya musarudzo
Mapato eZanu PF neMDC T ari mubishi kugadzirira nezvesarudzo dzemaprimary idzo dzichatsvagiswa vachamirira mapato aya musarudzo
Bato reMDC T razivisa nhasi kuti rave kuzoita sarudzo dzekutsvaga vacharimira musarudzo dzenyika kana kuti primary elections, musi wa 3 Chivabvu mukugadzirira sarudzo dziri kutarisirwa gore rino.

Izvi zvabuda pamusangano waitwa nestanding committee yebato iri iyo yasangana pamuzinda webato iri paHarvest House muHarare kuti iongorore magwaro enhengo dzakanga dzarambidzwa kukwikwidza musarudzo dzemaprimary idzi.

Nhengo dzinosvika mazana maviri dzakanga dzarasirwa magwaro adzo ekuti dzikwikwidze nekuda kwezvikonzero zvakasiyanasiyana.

Mutauriri weMDC T VaDouglas Mwonzora vaudza Studio 7 kuti vanhu makumi mana nevaviri vakanyorera kubato iri vachipikisa kuraswa kwemagwaro avo, izvo zvazoita kuti makumi matatu evanhu ava vabvumidzwe kupinda musarudzo mushure mekuongororwa kwemagwaro avo zvakare.

Zvichakadaro, vanoona nezvekurongwa kwemabasa muZanu PF VaDidymus Mutasa vati bato ravo rapedza kunyora zvinodiwa kuti munhu apinde musarudzo dzenhanganyaya kana kuti primary elections.

Bato iri rave nenguva richiedza kugadzirisa nyaya iyi.

Asi VaMutasa vati panongopedza magweta ebato ravo kuona kuti zviri mugwaro iri zvinoenderana here nezviri mubumbiro remitemo vanobva vaita musangano wePolitiburo wechimbi chimbi kuzeya nyaya iyi.

Mumwe wevari mukomiti yezvemutemo muZanu PF VaMunyaradzi Paul Mangwana vaudza Studio 7 kuti vachiri kutarisa zvakaita semakore anofanirwa kuve nemunhu kuti akwikwidze saseneta uye nyaya yezvinzvimbo zvemadzimai.
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG