Accessibility links

Breaking News

Namibia Inoti Haina Kuramba Kusangana naVaTsvangirai


Namibia, iyo iri kutarisirwa kutora chigaro chasachigaro weSADC Troika muna Nyamavhuvhu, yaramba mashoko ekuti yakaramba kuita hurukuro nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, avo vari kushanyira nyika dzemuAfrica vachikumbira vatungamiri venyika idzi kuti vakurudzire mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vavandudze zvinhu zvakabvumiranwa muchibvumirano cheGlobal Political Agreement kuitira kuti munyika mugoitwe sarudzo dzakachena gore rino.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muNamibia, Amai Netumbo Nandi Ndaitwah, vanoti mashoko ekuti vakaramba kuita hurukuro naVaTsvangirai handi echokwadi.

Mashoko aya anotevera nyaya yaburitswa nepanhau rekuNamibia rinonzi Confidente rinoti VaTsvangirai vaida kuenda kuNamibia neChitatu mushure merwendo kuTanzania neSouth Africa. Asi bepanhau iri rinoti mutungamiri weNamibia, VaHifikepunye Pohamba, vakaramba kuita hurukuro naVaTsvangirai.

Mumashoko ayo kuvatori venhau, hofisi yaVaTsvangirai yati VaTsvangirai neChina vakaita hurukuro nevatungamiri venyika dzeNigeria neGabon uye vari kutarisirwa kuenda kuIvory Coast vasati vaenda kuBotswana, vachizodzokera kumusha nesvondo.

Nyanzvi munya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaClifford Mashiri, avo vaimboshanda kumuzinda weZimbabwe kuEthiopia, vanoti VaTsvangirai vanofanira kusimbisa hurukuro naVaMugabe vasati vaenda kunze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG