Accessibility links

Breaking News

Hofisi yaVaTsvangirai Yopomera Herald Nyaya yeKunyora Manyepo


Mutauriri wemutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai, VaLuke Tamborinyoka vanyora tsamba kuhofisi yeZimbabwe Media Commission vachigunun’una nerekuti bepanhau reHerald riri kuita basa rekuvasvibisa.

VaTamborinyoka vanoti bepanhau iri haritombovape mukana wekuti vataurewo divi ravo panyaya dzarinenge richinyora sezvinotarisirwa kuvatori venhau vose.

Hofisi yaVaTsvangirai iri kushorawo nyaya yekuti bepanhau iri ratanga kuparidzira kuti sarudzo dzichaitwa musi wa29 Chikumi kunyangwe vatungamiri vehurumende vasati vatenderana nezve zuva iri sezvinodiwa nechibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Hofisi yemutungamiri wehurumende inotiwo ZMC inofanira kutorera Herald matanho akasimba nenyaya yekureva nhema.

Hatina kukwanisa kutaura nevakuru veherald nezvenyaya iyi. Sachigaro weZMC VaGodfrey Majonga vanoti zvakakosha kuti vatori venhau vasatore mativi panyaya yekuburitsa nhau.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG