Accessibility links

Breaking News

Kunetsana Koenderera Mberi muZanu-PF


VaRobert Mugabe
Hutungamiri hweZanu-PF huri kukurudzirwa nevamwe mubato iri kuti humire nyaya yekudaidzira sarudzo sezvo mubato iri maita kunetsana kwakanyanya.

Bato iri riri kutadza zvakare kupedza gwara richashandiswa mukutsvaga vachamirira bato iri musarudzo.

KuMasvingo kunonzi kwaita kunetsana kwakanyanya pakati pechikwata chinonzi chiri kutsigira mutevedzeri wemutungamiri webato iri, Amai Joyce Mujuru, nechiri kutsigira VaEmmerson Mnangagwa.

Chikwata chiri kutungamirwa nasachigaro webato iri, VaSimon Khaya Moyo, chiri kutarisirwa kuenda kuMasvingo svondo rino.

Mutauriri webato iri, VaRugare Gumbo, vanoti ichokwadi kuti kuMasvingo kwaita kunetsana.

Vanoona nezvemabasa ezvematongerwo enyika muZanu-PF mudunhu iri, VaTrainos Huruva, vakatenda kubepanhau reNewsday kuti VaKhaya Moyo nechikwata chavo vanenge vari mudunhu iri.

Vamwe mubato iri vanoti sachigaro wedunhu iri, VaLovemore Matuke, vanofanira kusiya basa nekuti havasi kushanda zvakanaka naAmai Mujuru.

Hatina kukwanisa kubata VaMatuke kuti tinzwe divi ravo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weZimbabwe Democarcy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti kana VaMugabe vakaramba vari pachigaro, hondo haipere mubato ravo nekuti vanhu vave kurwira kuti ndiyani achatora chigaro chavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG