Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Soro Rozeyazve Nyaya yeSarudzo dzemaBy-Elections


Dare repamusoro soro neChipiri rakatenda kuti rinzwe nechimbi chimbi nyaya yakakwidzwa kudare iri nevaimbova vamiriri vedare reparamende munzvimbo nhatu dzemuMatabeleland varikuda kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vatare zuva resarudzo dzema by-elections.

Mutongi wedare repamusoro VaGeorge Chiweshe vakange vati VaMugabe havangatare zuva resarudzo sezvo dzimwe sarudzo dzinenge dzoitwa mumwedzi mishoma inotevera.

Asi vatatu ava vanoti VaAbednico Bhebhe vaimirira Nkayi South, VaNjabuliso Mguni vaimirira Lupane East, naVaNorman Mpofu vaimirira Bulilima East.

Gweta revatatu ava VaTawanda Zhuwarara vanoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights vati vanotarisira kuti vachabudirira. Nyaya iyi yakaenda kumatare muna 2010 asi ichiti kungotenderera kumatare.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG