Accessibility links

Breaking News

Reverend Jessie Jackson Vonzwa Kunetsana muHurumende yeMubatanidzwa


VaJessie Jackson
VaJessie Jackson
Murume ane mukurumbira zvikuru munyaya dzekurwira kodzero dzevanhu muAmerica, Reverend Jessie Jackson, vari muZimbabwe vakazvimirira vachiita misangano nevakuru vehurumende pamwe nevemabhizimisi.

Reverend Jackson vakaita hurukuro nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChipiri kuMunhumutapa Building.

Vakaitawo hurukuro nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, kuJohhanesburg muSouth Africa nemusi weSvondo.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, vanoti Reverend Jackson vari muZimbabwe vakazvimirira, kwete senhumwa yeAmerica.

Ambassador Wharton vanoti musangano waVaMugabe naVaJackson wakafamba zvakanaka. Asi zviri kubuda mumisangano iyi zviri kuratidza pachena kuti muhurumende yemubatanidzwa hamuna kuwirirana zvachose.

VaMugabe nebato ravo vari kukuridzira Reverend Jackson kuti vaudze hurumende yeAmerica kuti zvirango zvinofanira kubviswa uye Zimbabwe yagadzirira kudyidzana nedzimwe nyika.

Asi veMDC nekune rimwe divi vanoti Zanu-PF iri kuenderera mberi ichidzvinyirira vanhu pamwe nekutyora kodzero dzavo. Reverend Jackson mbune vari kutiwo Zimbabwe inofanira kuita sarudzo dzakachena.

Nhengo yeZanu-PF uye vaimbomiririra Zimbabwe kuChina, VaChris Mutsvangwa, vanoti rweno rwaVaJackson rwakakosha zvikuru kunyika.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, avo vange vari pamusangano wakaitwa nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Muzvare Thokozane Khupe, naReverend Jackson neChipiri manheru.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG