Accessibility links

Breaking News

Kunetsana muZanu-PF Kotadzisa Kambani yeChisumbanje Ethanol Plant Kuti Ivhurwe


Kunetsana zvakanyanya muZanu-PF kunonzi kwava kupa kuti zvinhu zvinyanyoita manyama amire nerongo mukambani inogadzira mafuta ekufambisa anogadzirwa nenzimbe, yeChisumbanje Ethanol Plant.

Svondo rino dare remakurukota rakati nyaya yeChisumbanje, iyo yave negore yakavharwa inge yapedzwa mwedzi uno usati wapera nekomiti iri kuongorora nezvekuvhurwa kwayo.

Asi vamwe vakapinda mumusangano wekomiti iyi vasina kuda kudomwa nemazita vanoti nyaya yekuti zviri kunetsa zvingagadziriswa mukupera kwemwedzi zvichakona nā€™a nga murapwa achida nekuti paita ropa rakaipa muZanu-PF rokonzera kunetsana.

Vanoti mutungamiri wenyika mbune VaRobert Mugabe vakasapindira zvakasimba hapana chinobuda. Vakavamba kambani iyi, VaBilly Rautanbach, vanodyidzana zvakanyanya negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mngangagwa, nevamwe vakaita segurukota muhofisi memutungamiri wenyika, VaDidymus Mutasa.

Vanhu ava vanonzi vari kuti hurumende ione kuti kambani iyi yavhurwa yodzika mutemo unoti mafuta ose edzimotokari asanganiswe nemafuta ethanol aya.

Asi vamwe vanonzi vari kudivi remutevedzeri wemutungamiri venyika, Amai Joyce Mujuru, vave kukurudzira kuti hurumende itore zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana mukambani iyi.

Amai Mujuru vakaenda kuChisumbanje masvondo maviri apfuura vakavimisa kuti kambani yaizovhurwa mumasvondo mashoma anotevera.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezveChisumbanje Ethanol Plant varizve mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vanzi vanotaura nezvenya yekuchisumbanje, varamba kutaura kuti zvii zviri kutora nzvimbo.

Mukuru wekambani iyi, VaRaphael Zuze, vatiwo vanga vari pazororo nekudaro hapana zvavangataure.

Mumwe anomiririra vagari vemunzvimbo iyi, uye vari nhengo yePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku vanoti vaneta nenyaya yekusagadziriswa kwedambudziko iri.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
ā€‹
XS
SM
MD
LG