Accessibility links

Breaking News

Musori Akapfura VaKombayi Akaregererwa naVaMugabe Anoshaya


Mumwe wevakuru-vakuru anga achishanda mubazi revasori uye achityiwa zvinotyisa munyika, VaElias Kanengoni, vashaya.

Mukoma wemufi uye ari munyori ane mukurumbira munyika, VaAlexander Kanengoni, vanoti munin’ina wavo ashaya neChina mambakwedza mushure mekuendeswa kuchipatara neChitatu manheru achirwara.

Mufi anga ari Deputy Director - Internal mubazi re Central Intelligence Organization.

Elias Kanengoni nemumwe wake Kizito Chivamba, vakawanikwa vaine mhosva yekupfura mushakabvu, VaPatrick Kombayi, musi wa 24 Kurume 1990, munguva iyo VaKombayi, vachimirira Zimbabwe Unity Movement, vaikwikwidzana namushakabvu VaSimon Muzenda, vaiva mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

VaKanengoni naVaChivamba, vose vari vasori, vakatongerwa kugara mujeri kwemakore manomwe, mushure mukuwanikwa vaine mhosva yekupfura VaKombayi katanhatu pahudyu vachibva varemedzwa.

Asi mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakabva vashandisa masimba avo pamutemo wekuti vaviri ava varegererwe. Vaviri ava havana kana kumboenda kujeri kunopika mushure mekuregererwa naVaMugabe.

VaKombayi vakazoshaya muna 2009 uye hama dzavo dzakati havana kuzombonyatsopona kubva pamavanga avo ekupfuurwa.

VaKanengoni vakakwidziridzwa pabasa kubva mumakore aya kudzamara vasvika pamusoro soro mubazi rezvevasori iri.

Muna 2011 VaKanengoni vakadomwawo kuita nhengo yeZanu-PF Central Committee vachimirira Mashonland Central.

Asi vakazosiya chigaro ichi mushure mekunge MDC-T yasimudza nyaya iyi mudare reparamende ichiti hazviiti kuti munhu aite mushandi wehurumende oitazve nhengo yebato ine chinzvimbo chepamusoro soro.

Zvinonzi pavazofa VaKanengoni vange vachida kuti vakwikwidze musarudzo dzekuita seneta weZanu-PF kuMazowe.

Vakuru muZanu-PF vasina kuda kudomwa nemazita vanoti VaKanengoni vanga vachishanda naRetired Air Marshal Henry Muchena mukuronga gwara rebato reZanu-PF musarudzo dzichaitwa munyika.
XS
SM
MD
LG