WASHINGTON —
Bato reZanu-PF riri kutarisirwa kuita musangano wePolitiburo neChitatu wekuzeye nyaya yemitemo yesarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo. Sarudzo dzema primary elections dzaunza mutauro wakanyanyanya mubato iri.
Nyaya yekusatara zuva resarudzo idzi mubato yave kukonzerawo mutauro wakanyanya muZanu-PF sezvo vamwe vatanga kutotsvaga rutsigiro kunyange hazvo vakuru vebato iri vange vati hapana anofanira kutsvaga rutsigiro munzvimbo dzine nhengo dzeparamende dzichiri pachigaro.
Komiti yebato iri, iyo iri kutungamirwa nasachigaro webato, VaSimon Khaya Moyo, iri kutenderera mumatunhu ose ichigadzirisa musha yakaudzwa kuBindura neMuvhuro kuti vanhu vatotanga kutsvaga rutsigiro zvopa kuti paite mutauro wakanyanya. Izvi ndizvo zviri kuitika mumatunhu akawanda.
Kunyange hazvo mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vange vachidaidzira kuti vanoda kuti sarudzo dziitwe nechimbichimbi, bato ravo richiri kutatarika kuti ripedze nyaya dzekutsvaga vacharimirira musarudzo.
VaMugabe vaimbenge vatoti panopera svondo rapera vanenge vatara zuva resarudzo, asi hapana chavakaita sezvo vamwe vavo muhurumende vari kuti VaMugabe havakwanise kutara vega zuva resarudzo.
Nemamiriro akaita zvinhu mubato nemunyika yose, hapana anoziva kuti sarudzo dziri kuitwa rinhi.
Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti vanotarisira kuti zvinhu zvichafamba zvakanaka.
Zvichakadaro, bato reMDC inotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, rinoti kutanga neMugovera rinenge roita sarudzo dzarowo dzekutsvaga vanhu vachamirira bato iri musarudzo.
Vakuru vakuru vebato iri ndivo vachange vachiona nezvekufambiswa kwesarudzo idzi. Asi MDC iri kuramba mashoko ekuti pane mutauro wakanyanya mubato iri nenyaya yekuti vamwe vatungamiri vebato vari mu standing committee havakwikwidzwe.
Vari mu standing committee vanosanganisira mutungamiri nemutevedzeri wemutungamiri webato, sachigaro nemutevedzeri wake, munyori mukuru nemutevedzeri wake, murongi wemisangano, mutauriri webato, mubati wehomwe nemutevedzeri wake, sachigaro wezvemadzimai pamwe nasachigaro wezvechidiki.
Vamwe vane ruzivo nezviri kuitika vanoti anenge ari makuwerere chaiwo musarudzo idzi.
Asi munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano muMDC, VaNelson Chamisa, vanoti vatogadzirira kutanga sarudzo dzavo.