Accessibility links

Breaking News

SADC Yozeya Nyaya yeZimbabwe neMugovera kuMaputo


Sangano reSADC rinoti rave kuita musangano waro mukuru wekuzeya Zimbabwe kuMaputo, Mozambique neMugovera.

Musangano uyu wakamiswa svondo rapera, sezvo vatungamiri venyika vashoma vakazivisa kuti vachapinda mumusangano uyu. SADC iri kuda kuzeya nyaya yegwara resarudzo muZimbabwe uye zvimwe zviri kunetsa munyika dzakaita seDemocratic Republic of Congo neMadagascar.

Munyori weSADC, VaTomaz Salomao, vanoti mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, ndivo vachatungamira hurukuro panyaya yeZimbabwe uye vari kutarisirwa kuparura gwaro regwara resarudzo zvichitevera misangano yavakaita nemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa.

VaSalomao vanotiwo nyaya yekubatsira Zimbabwe nemari yekuitisa sarudzo ichange iri mudariro kana VaZuma vati izeyiwe.

Mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa ari mushishi rekugadziririra musangano uyu.

Mukupera kwesvondo rapera, mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai, vakambobuda munyika vachinosangana nevamwe vatungamiri venyika dzemuSADC mugadziriro yavo yemusangano uyu.

Zanu-PF neChitatu yakapinda mumusangano wePolitiburo ichizeya nyaya yesarudzo dzebato uye nyaya yekuti yotaura zvipi kumusangano weSADC.

Asi mutauriri webato iri, VaRugare Gumbo, vanoti musangano webato ravo uchaenderera mberi neChina sezvo vasina kukwanisa kupedza zvavange vachizeya. Vanoti zvikaramba zvichinetsa vanogona kusvika kana neChishanu vachikurukura zvinoda kugadziriswa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari chipangamazano musangano reInternational Crisis Group kuchamhembe kweAfrica, VaTrevor Maisiri, vanoti SADC inokwanisa kuyananisa Zimbabwe kuitira kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena.
XS
SM
MD
LG