Accessibility links

Breaking News

Bhiri reMutero Rotemesa Vakawanda Musoro


Gurukota rezvemari VaTendai Biti
Gurukota rezvemari VaTendai Biti
Nhengo dzedare reparamende dziri mukomiti yebhajeti dziri kufamba dzichitaura nevanhu mumatunhu akasiyanasiyana nezvebhiri riri kuda kuvandudza nyaya yekubhadharwa kwemitero, kana kuti Income Tax Bill.

Bhiri iri rakaunzwa kudare negurukota rezvehupfumi, VaTendai Biti, mushure mekunge ragazetwa muna Zvita 2012.

Chikuru chiri kuda kuitwa nehurumende mubhiri iri inyaya yekuti ikwanisewo kuwana mari yemitero yakawanda uye kurerutsa chirongwa chekubhadhara mari dzemitero.

Asi vamwe vemabhizimisi nevamwe vashandi vatotanga kugununu’una nezvebhiri iri.

Mukuru weEmployers Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukari, vanoti havawirirane nebhiri iri vachiti vanhu vanenge vobhadhariswa mari dzemitero dzakawandisa vamwe vachitobhadhariswa kaviri kaviri zvikuru vanenge vaine mabhizimisi kunze.

VaMufukari vanoti sevemabhizimisi vange vachida kuti pawanikwe nzira dzekubatira mutero vanhu vanozviitira mabasa emaoko, vachiti izvi ndizvo zvinotounza mari yakawanda kuhurumende.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kuda kumanikidza vanhu kubhadhara mitero zvikuru vari kunze kwenyika zvichanetsa uye zvinotoda kuti mitemo yakawanda ivandudzwe.

Nyanzi idzi dzinotiwo hapana michina inoita kuti zvinhu izvi zviitwe zvirinyore. Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hapana chakaipa pabhiri iri sezvo richapawo Zimbabwe mukana wekuti iite zviri kuitwa nedzimwe nyika dzakawanda.

Aka ndekekutanga mutemo uyu uchivandudzwa zvakadzama mumakore makumi mana nematanhatu kubva pawakadzikwa.

Chinangwa chehurumende ndechekuti mutemo mutsva uyu utange kushanda muna Ndira gore rinouya, ndokana watambirwa nematare maviri eparamende.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari chipangamazano vachishanda nemabhizimisi madiki, VaPhillip Chichoni, vanoti hurumende iri kuomesera vanhu.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari maneja mubazi rezvemitero mukambani yeDeloitte and Touche, VaMarvellous Tapera, vanoti pane zvakawanda zviri kuwandudzwa zvinoda kuti vanhu vanzwisiwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG