Accessibility links

Breaking News

Vakuru veMauto neMapurisa Voramba Vachinetsana neMDC


Kunetsana pakati peMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai nevamwe vakuru vakuru muchipurisa nemauto kuri kuenderera mberi zvinonzi nevamwe zviri kukonzerwa nenyaya yekuti nyika yatarisana nesarudzo.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, neChishanu vakanyora tsamba kuvatori venhau vachishora munyori mukuru weMDC-T, VaTendai Biti, vachivapomera mhosva yekunyepera vanhu uye kuda kuti vanhu vavengane nemapurisa.

Izvi zvinotevera mashoko aVaBiti ekuti mapurisa ari kubhadharisa vanhu mari dzemafaindi dzinosvika mamiriyoni maviri pamwedzi, asi havaendese mari iyi kuhomwe yehurumende. Vakuru vemauto mazuva mashoma apfuura vangewo vachituka VaTsvangirai nebato ravo vachikurudzira vanhu kuti vatsigire Zanu-PF.

Bato reMDC rakatonyora tsamba kuSADC neJOMIC richigunun’una nemashandiro emauto aya. Mutsamba iyi, bato reMDC rinoda kuti paitwe chisungo chekuti mauto asapindire munyaya dzezvematongerwo enyika.

Pamusangano wavo weMuvhuro wega wega, VaTsvangirai vanonzi vakatokumbirawo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vadzore vakuru vemauto ava. MDC inoti maitiro aya ndiwo ari kupa kuti ikurudzire kuti mashandiro emauto, mapurisa nevasori avandudzwe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisai Ruhanya, vanoti mauto ari kuita izvi mashoma.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG