Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votarisirwa Kunetsana neSADC paNyaya yeZuva reSarudzo


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vave kutarisira kunetsana zvakasimba nevamwe vatungamiri venyika dzekuchamhembe kweAfrica, SADC, pamusoro pedanho ravari kuda kutora rekuita zano ndega pakutara zuva resarudzo vasingatevedzeri zviri muchibvumirano che Global Political Agreement, GPA.

Chibvumirano ichi chinosungira VaMugabe kugara pasi nevamwe vavo muhurumende vowirirana zuva rinofanirwa kuitwa sarudzo.

Asi VaMugabe vakataura svondo rapera kwaMutare kuti panongopera kuzeyiwa nyaya yebumbiro remitemo idzva svondo rino mudare reseneti, vanobva vataurawo nezvezuva resarudzo.

Mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, pamwe negurukota rezvemaindasitiri uye vachitungamira MDC diki, VaWelshman Ncube, vanoti zvinoda kuitwa navamugabe kutyora chibvumirano cheGPA.

Pamumusangano weSADC Troika wakaitwa neChishanu kuCape Town South Africa, vatungamiri venyika dzemuSADC vanonzi vakaramba vakamira semusambangwena panyaya yavo yekuti Zimbabwe inofanira kuita sarudzo yapedza misariridzwa yose iri muGPA.

Mutungamiri weSouth Africa, uye vari mutongi gava pagakava rezvematongerwo enyika muZimbabwe, VaJacob Zuma, vari kutarisirwa kujekesera VaMugabe pamire SADC, ichitsigirwa ne African Union.

Chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanovazve mutauriri wenhumwa dzaVaZuma kuZimbabwe, vanoti vanotarisira kuti mapato emuZimbabwe ataurirane kunyange havo vasina simba rekuvaudza zuva rekuita sarudzo

Asi mutevedzeri wemukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF, VaPsychology Mazivisa, vanoti zviri kuitwa naVaMugabe zviri pamutemo.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaNcube, VaNhlanhla Dube, vanoti zviri kuitwa naVaMugabe zvinotyora mitemo.

Mashoko aVaDube atsinhirwawo nemutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, avo vanoti VaMugabe havafanire kuita zano ndega panyaya yesarudzo.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika uye vari chipangamazano musangano reInternational Crisis Group, VaTrevor Maisiri, vanotiwo zvichanetsa kugadzirisa nyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG