Accessibility links

Breaking News

ZEC Yotangazve Chirongwa Chekunyoresa Vanhu Munharaunda Dzavo


ZEC
ZEC
Zimbabwe Election Commission, ZEC, inoti ichatanga svondo rinouya chirongwa chekunyoresa vanhu munharaunda dzavagere, kana kuti mobile voter registration kwemazuva makumu matatu anotevera sezvinodiwa nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti ZEC yakapihwa mamiriyoni makumi maviri nemashanu emadhora yekushandisa muchirongwa ichi. ZEC ichange ichishanda nehofisi yamabharani mukuru wenyika mumawadhi ose emunyika anosvika chiuru chimwe nemazana mapfumbamwe ane makumi mashanu nemasere.

Chirongwa chekupinda muvanhu vachinyoreswa chakapera svondo rapera chakaona vanhu zviuru mazana maviri vachinyoresa sevavhoti kekutanga.

Asi masangano akazvimirira oga anoti mapurisa ari kuvhiringa chirongwa ichi nekuarambidza kuita basa rawo rekuzivisa vanhu nezvekuvhota.

NeChipiri mapurisa emuHwange akati vakuru ve Zimbabwe Election Support Network vauye kumahofisi avo achivapomera mhosva yekufamba vachidzidzisa vanhu nezvesarudzo zvisiri pamutemo.

Mapurisa aya anonzi akabva aendawo kunopinda zvine chisimba kumahofisi esangano reLegal Resource Fund rinova nhengo yeZESN achibva atora mapepa ane chekuita nesarudzo nemimwe midziyo.

Nyaya iyi yave mumaoko emagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights.

ZESN inoti uku kutyora bumbiro remitemo uye yakumbira kuti ZEC ipindire.

Mutevedzeri wasachigaro weZEC, Amai Joyce Kazembe, vati havakwanise kutaura sezvo vange vachityaira motokari vakananga kubulawyo kunosangana nevemachechi kuti vataure nezvekuvhota.

Mukuru weZESN, Amai Rindai Chipfunde-Vava, vanoti kana zvichibvira chirongwa ichi ngachitowedzerwa nguva kuitira kuti munhu wose anyatsowana mukana wekunyoresa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG