WASHINGTON —
Mapato ezvematongerwo enyika anopikisa Zanu-PF ari kusangana muHarare neChitatu kuti aite muononera pamwe chuma chemuzukuru kuti abude nechisungo chimwe panyaya yemutongo wakapihwa nedare repamusoro soro kuti sarudzo dziitwe chikunguru asati apera nezvimwe zvakanangana nesarudzo.
Mapato anoti MDC-T, MDC, Mavambo Kusile Dawn, ZAPU nemawe ari kutarisirwa kupinda mumusangano uyu. Zanu-PF kuburikidza nemutungamiri wayo, VaRobert Mugabe, yakati iri kutambira mutongo wesarudzo uyu.
Asi mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nemutungamiri weMDC diki, VaWelshman Ncube, vari kuramba kutambira mutongo uyu vachiti matare akapindira munyaya dzezvematongero enyika.
Vakuru vakuru vakawanda mumapato anopikisa Zanu-PF aya vasina kuda kudomwa nemazita vanoti musangano uyu uchakurukurawo nezvenyaya yemusangano weSADC uri kuitwa kuMozambique nemusi weSvondo.
Vamwe vanoti vachataurawo nezvenyaya yekuti vaite chirwirangwe munguva yesarudzo vachiumba mubatanidzwa kana zvichibvira.
SADC iri kuita musangano mukuru wekuzeya nyaya yesarudzo muZimbabwe.
Pachataurwa nyaya yekuti sarudzo dzingaitwe sei murunyararo uye kuti mari yekuita sarudzo yacho ichabva kupi. Zimbabwe yakakumbira SADC kuti iibatsire nemari yesarudzo.
Mugadziriro dzemusangano weSADC uyu, nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanova mutongi gava panyaya yeZimbabwe, dzapinda munyika neChipiri kuzoita hurukuro nesangano reJOMIC.
Nhumwa idzi dziri kutarisirwa kuitawo hurukuro nemapato ezvematongerwo enyika neChitatu.
Nyanzvi munyaya dzezvematongwerwo enyika uye vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti musangano uyu wakakosha sezvo mapato ose anenge abuda nechisungo chimwe chete panyaya yakakosha yesaudzo.