WASHINGTON —
Makurukota ehurumende matatu nevesangano reZimbabwe Election Commission vakapinda mumusangano neChina wekuzeyeya nyaya yekuti vaise mutemo kana kuti statutory instrument unotaura nezvekurerutsira vanhu kuti vakwanise kunyoresa kuvhota.
Dare remakurukota svondo rino rakapa kurudziro yekuti makurukota ehurumende anoti gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, nemakurukota ezvemukati menyika, Amai Theresa Makone veMDC-T naVaKembo Mohadi ve Zanu-PF, vaudze dare remakurukota svondo rinouya matanho avanenge vatora mukugadzirisa nyaya yekunyoreswa kwevavhoti inonzi haisi kufamba zvakanaka.
Mapato ose ezvematongerwo enyika ari kutenderana kuti chirongwa chekunyoresa vavhoti uye kutarisa mazita evari pagwaro iri kare hachisi kufamba zvakanaka. Statutory instrument iyi iri kutarisirwa kuti imanikidze hofisi yaRegistra General, VaTobaiwa Mudede, kuti isaomesere vanhu vanenge vachida kunyoresa kuvhota.
Vane ruzivo nezvemusangano uyu vanoti wange uchitarisawo nyaya yekuti makanzura abvumidzwe kunyorera vanhu tsamba kuti vakwanise kuvhota sezvinoitwa nemadzishe uye kuti nguva yekunyoresa vanhu iwedzerwe uye iitwe pachikoro chega chega.
Asi veZanu-PF vange vari kutsika madziro panyaya yekuti makanzura ape vanhu matsamba.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi wezvemitemo pa University of Zimbabwe, muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti zviri kuda kuitwa izvi hazvipedze zviri kunetsa.