WASHINGTON —
Mutongi wedare dare ramajastiriti muBindura, VaTendayi Chifamba, neChishanu vakaona gurukota rinoona rezvemhando dzemoto, VaElton Mangoma, vasina mhosva yavange vachipomerwa yekuti vakatuka mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
VaMangoma vakasungwa musi wa10 Gumiguru gore rapera vachinzi vainge vatuka VaMugabe vachiti “chifa Mugabe, chibva Mugabe chibva”.
Vakabva vasungwa pasi pemutemo weCriminal Law Codification Reform Act. Mashoko aya anonzi akataurwa paMhanhenga Business Centre kuBindura.
Vanhu vanopfuura makumi matanhatu vanonzi nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vasungwa nenyaya yekunzi vainge vatuka VaMugabe. Vakawanda vevanhu ava makurukota ehurumnede uye nhengo dzeparamende nevatsigiri veMDC inotungamirwa nemutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai.
Mukuru weZimbabwe Lawyers for Human Rights, Muzvare Irene Petras, vanoti vane nyaya dzakawanda dzavakatoendesa kudare repamusoro soro vachida kuti mutemo uyu unzi haushande munyika inozviti ine hutongo hwejekerere.
Nemusi weChishanu mudzidzisi paGreat Zimbabwe State University kuMasvingo, VaChenjerai Pamhiri, vakabatwa nemhosva ndokutongerwa chirango chekugara mutirongo kwemwedzi mitatu vachinzi vainge vafananidza VaMugabe nedhongi rakaora.
Sachigaro veNational Constitutional Assembly, uye vachidzidzisa pauniversity of zimbabwe, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti bumbiro idzva harina zvarinaro zvingachinja mutemo uripo.