Accessibility links

Breaking News

SADC Inosendeka Parutivi Musangano weKuzeya Nyaya yeZimbabwe


Musangano mukuru weSADC wange uchitarisirwa kuitwa musi weSvondo kuMaputo Mozambique wambosendekwa parutivi.

Munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salomao, vanoti vatadza kuwana huwandu hwevatungamiri vanodiwa kuti musangano uyu uitwe.

Musangano uyu wange uchida kutarisa nezvegwara resarudzo uye kutsvagira Zimbabwe mari yekuita sarudzo dzacho.

VaSalomao havana kuda kutaura kuti ndevapi vatungamiri veSADC vatadza kuenda kumusangano uyu. Havanawo kutaura kuti uchaitwa riini.

VaSalomao vanoti musangano uyu wakakosha zvikuru sezvo uri kutarisa remangwana reZimbabwe nekudaro vanoda kuti vatungamiri vakawanda vange varipo pamusangano uyu.

Vamwe muhurumende vasina kuda kudomwa nezita vanotiwo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndemumwe anogona kunge anonotsawo kutangwa kwemusangano sezvo vange vakashanya kunyika dzekumawirira. Ikozvino vari kuSingapore uye vari kutarisirwa munyika neChina

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vanoti zvakakosha kuti vatungamiri venyika dzose vange vari pamusangano uyu vobuda nechisungo chakasimba

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG