Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yotadza Kupedza Mitemo yeSarudzo Mubato Iri


VaRugare Gumbo
VaRugare Gumbo
Politiburo yebato reZanu-PF yakasangana zvekare muHarare neChitatu asi ikakundikana zvakare kugadzirisa mitemo yekuti ndivanani vanobvumidzwa kupinda musarudzo dzayo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo, primary elections.

Nyaya iyi yave nemakore akawanda ichiyedza kugadziriswa asi zvinenge zviri kukona n’anga murapwa achida.

Vakuru mubato iri vasina kuda kudomwa nemazita vanoti kunyange hazvo mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vari kuti vanoda sarudzo nechimbi chimbi, zviri pachena kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato ravo.

Nyaya yekusapedza mitemo yesarudzo iyi yave kupa kuti vamwe vatange kutsvaga rutsigiro vachityora chisungo chePolitiburo chekuti vamire kuita izvi sezvo vachizounza kunetsana nevamwe vagara vari pazvigaro.

Bato iri rinoti munhu wose anofanira kunge achitsvagira VaMugabe chete rutsigiro nekuti hapana ari kuvakwikwidza mubato.

Mutauriri webato iri, VaRugare Gumbo, vanoti vanofunga kuti vachapedza nyaya dzesarudzo svondo rinouya.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vanoti nyaya yekuti ndiyani achatsiva VaMugabe ndoyopa kunetsana mubato.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG