Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Onyora Tsamba yeNyunyuto kuSADC


SADC Logo
SADC Logo
Masangano akazvimirira pamwe nemasangano evagari vemunzvimbo dzakasiyanasiyana makumi mashanu nerimwe, anyora tsamba yenyunyuto kusangano reSADC achiti anoda kuti munyika mutange mavandudzwa zvinhu sarudzo dzisati dzaitwa.

Dara repamusoro soro rakabuda nemutongo wekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanira kuona kuti sarudzo dzaiitwa musi wa 31 Chikunguru usati wadarika.

Masangano aya anosanganisira Zimbabwe Elections Support Network, Zimbabwe Lawyers for Human Rights, Zimrights nemamwe.

Masangano aya anoti SADC kana ikapa Zimbabwe mari yesarudzo, inofanirwawo kuona kuti yauya nechibvumirano chekuti Zimbabwe yavandudza zvinhu zvakawanda sarudzo dzisati dzaitwa.

Vati vanoda kuti mitemo iripo ivandudzwe kuenderana nebumbiro idzva remitemo yenyika, pasaitwe nyaya yemhirizhonga uye kuvandudzwa kwemashandiro emauto nemapurisa.

Masangano aya anoti vaongorori vesarudzo vekunze vanofanira kutenderwa kuti vapinde munyika panguva yegadziriro dzesarudzo kuitira kuti vanyatsoone chirongwa chose chesarudzo.

Masangano aya akatotumira nhumwa kuMozambique uko kwaitarisirwa kuitwa musangano weSADC wekuzeya Zimbabwe.

Mukuru we Elections Resource Centre, VaTawanda Chimhini, vanoti vanoda kuti SADC ione kuti munyika maitwa shanduko kuti pasaitwe mutauro kana sarudzo dzapera.
XS
SM
MD
LG