Sangano reCouncil of Students Teachers kana COST, razivisa kuti vadzidzi gumi vepaMadziwa Teachers College vakabatwa neCovid-19 nezuro uye huhwandu hwevadzidzi ava hunotarisirwa kukwira nekuvhenekwa kuri kuitwa vadzidzi ava.
Hurumende yeZimbabwe yazvisudurudza pamashoko evakafanobata chigaro chemurongi wemisangano muZanu PF, VaPatrick Chinamasa, avo vakashoropodza nhepfenyuro yeStudio7 vachiti inhepfenyuro ine ruvengo neZimbabwe uye yakafanana nezvirango zvakatemerwa Zimbabwe.
Chidzambwa akashaya neChina manheru ava nemakore makumi matanhatu nematanhatu ekuberekwa mushure mekurwara kwenguva refu.
Mapurisa anoti ari kuenderera mberi nekusunga vedzimotokari dzinotakura veruzhinji vasiri kutevedzera mitemo yekudzivirira chirwere cheCovid-19 munzvimbo dzakavharwa nehurumende mudunhu reMashonaland West.
Sangano rinomirira vezvitoro, reConfederation of Zimbabwe Retailers riri kukurudzira hurumende kuti isimbise mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu, kana kuti lockdown kuburikidza nekudzika mutemo unorambidza vanhu kufambafamba kwemazuva makumi matatu.
Sangano reCitizens’ Initiative Zimbabwe rinoti riri kupinda mumisha inogara veruzhinji richichenesa nzvimbo pamwe nekurasa marara, panguva imwechete richidzidzisa vechidiki kushandisa maoko avo mukuita mabasa akasiyanasiyana.
VaPatrick Chinamasa vakaudza vatori venhau neChina kuti bato iri harisi kuzopa mukana wekuvhota kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kusvika zvirango zvabviswa.
Mutauriri wemapurisa eBotswana Police Service, VaDipheko Motube, vaudza Studio7 parunhare kuti chiitiko ichi chaitika nhasi mangwanani mushure mekuridzirana zvombo pakati pemapurisa nevarume vashanu vanga vaine zvombo.
Mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Jeffrey Moyo, aisa nhasi chikumbiro kudare ramajisitireti chekuti mhosva yaari kupomerwa iraswe.
Mazana nemazana evanhu achange achirara panze kubva nhasi zvichienda mberi zvichitevera kupwanyirwa kwavaitirwa dzimba dzavo nehurumende kuMelfort.
Judicial Service Commission (JSC) yavhara matare mumadhorobha matanhatu mushure mekunge vashandi vemumatare aya vabatwa nechirwere che Covid-19.
Pave nemaonero akasiyanasiyana pagakava ramuka pamberi pesarudzo dza2023 pakati pemapato eMDC Alliance neMDC-T pamusoro pezita rekuti MDC Alliance, zvichitevera mashoko emutungamiri weMDC-T, VaDouglas mwonzora ekuti vanogona kupinda musarudzo dz2023 vari pasi pezita rekuti MDC alliance.
Rodhai zvimwe