Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya vanoti mutemo wechimbi chimbi weStatutory Instrument 127 uchabata chete avo vanoshandisa zvisizvo mari yepamusika weRBZ Foreign Currency Echange Auction.
Zimbabwe yabatana nenyika dzemuAfrica mukucherechedza zuva reDay of the African Child ichikurudzirwa nevanorwira kodzero dzevana kuti iremekedzewo zvibvumirano zveAgenda 2040, izvo zvinosanganisira hupenyu hwakanaka hwevana pamwe nehutano hwavo hwakanaka.
Mutsamba dzaendeswa kubazi rezvedzidzo yepamusoro, masangano aya ati zvichitevera kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 anoda kuti bazi iri rimise zvidzidzo muzvikoro zvepamusoro senzira yekudzvirira kuparira kwedenda iri muzvikoro.
Mutori wenhau anoshandira New York Times, Jeffrey Moyo, abuda mujere nhasi mangwanani mushure mekunge dare reHigh Court rabvuma kuti abhadhare mari yechibatiso.
Chizvarwa cheZimbabwe chiri kuHague kuNetherlands, VaNeville Mkhululi Mehluli Mchina, vakagadzira muchina unobatanidza varimi vanenge vaine zvirimwa zvakawandisa zvinogona kuzoguma zvaraswa pamwe nevatengi kana vemisika.
Bhanga guru renyika Reserve Bank of Zimbabwe nemusi weChipiri rakaburitsa mazita emakambani arinoti akatenga mari pamusika weForeign Currency Exchange akaishandisa zvisizvo zvarinoti zviri kupa kuti mitengo yezvinhu irambe ichikwira.
Masangano anomirira vatambi mumitambo yakasiyana siyana aisa zvikumbiro kuhurumende kuti vatenderwe kuendera mberi nemitambo kunyangwe pave nemutemo wekuti vamire kuita izvi.
Nzvimbo dzakawanda munyika dzakapinda muzuva repiri neChipiri dzichitevera mitemo yakadzikwa nehurumende kuyedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Izvi ndizvo zvinonzi nevashandi pamwe nevemabhizimusi zviri kuitika mushure mekusimbiswa kwemutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu senzira yekudzivirira kupararira kwechiwere cheCovid-19, uyo wakatanga kushanda neMuvhuro.
Bazi rezvehutano rinoti riri kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanasikana vari kubata pamuviri vasati vabva zera, zvikuru mudunhu reMashonaland Central.
Vanhu ava varikuti kuswera mangwana, Chitatu, vachabvisa zvechisimba vabvakure vasina magwaro ekugara muSouth Africa, vachivhara mabhizimisi evanhu ava zvechisimba.
Hurumende nemusi weSvondo yakazivisa kuti Mogenster Mission yambovharwa kuvashanyi senzira yekuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere Covid-19.
Rodhai zvimwe