Accessibility links

Breaking News

Bazi rezveHutano Roshushikana neHuwandu hweVana Vasati Vabva Zera Vobata paMuviri


Bazi rezvehutano rinoti riri kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanasikana vari kubata pamuviri vasati vabva zera, zvikuru mudunhu reMashonaland Central.

Vakuru mubazi iri vanoti huwandu hwevanasikana vasati vabva zera vari kunyoresa kuti vane pamuviri kuzvipatara wawedzera nezvikamu makumi maviri kubva muzana kana kuti 25%.

Vazhinji vevanhu vataura neStudio 7 kusanganisira Baba Benjamin Mazhindu vanogara mumusha weWarren Park D vati vane chokwadi kuti vanasikana vakawanda vakabata pamuviri panguva yakatanga kupararira denda reCovid 19 pachipihwa kurudziro yekuti vanhu vagare mudzimba kana kuti lockdown mukuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere ichi. Zvikoro zvainge zvakavharwa nguva zhinji.

Vamwewo vati tsika nemagariro evanhu uye nemakereke aye anobvumidza kuroorwa kwevanasikana vachiri vadiki ndizvo zvimwe zvinogona kunge zviri kukonzerawo dambudziko rekuremadzwa kana kufa kwevana ava pavenenge vakatakura mimba kana panguva yavo yekusununguka.

Mukuru wesangano reShamwari yeMwanasikana, Amai Ekenia Chifamba Chidodo, vati nyaya dzevana vanoroodzwa vari pasi pemakore gumi nemasere, kana kuti 18, dzatonyanya kuwanda.

Mutungamiriri webato rinopikisa reLEAD, Muzvare Linda Masarira vatiwo dzimwe nhumbu zhinji dzinogona kunge dziri kuitwa apo vanasikana nevanakomana ava vanenge vaputa kana kunwa zvinodhaka zvakasiyanasiyana. Muzvare Masarira vakurudzira makurukota ehurumende kuti ambozeya nyaya iyi zvakasimba uye vaenderera mberi vachiti vanhu vanotengesa zvinodhaka izvi vanofanirwa kusungwa nokuti ndivo vanhu vari kuparadza hupenyu hwevana ava.

Sachigaro vesangano rinomirira kodzero dzemadzimai reWomen’s Coalition mudunhu reHarare, Amai Charity Mandishona, vatsanangura kuti kune vanasikana vanovhiringidzirwa hutano wavo zvichizovasiya vakuvara zvinozovapa dambudziko pakusununguka, kana kuti Obstetric Fistula, izvo zvinozogona kuita kuti munhu azongoerera mvura netsvina.

Mashoko aya atsinhirwa nenyanzvi munyaya dzezvehutano Doctor Marian Kasekete vayambira vanasikana kuti vaedze nepavanokwanisa napo kuti vazvidzivirire kuita mimba vasati vabva zera sezvo vachigona kutorasikirwa nehupenyu vachisungunuka.

Bazi rezvehutano rakaburitsa mashoko padandemutande reTwitter richitsinhirawo kuti vanasikana vazhinji vakazvitakura havaende kunovhenekwa kumakirinika nokuti vanotya kuzosungisa vanhu vanenge vavaitisa pamuviri.

Gwaro iri rinoti vanasikana makumi masere nevatanhatu, kana kuti 86, vari pasi pemakore gumi nematanhtau, kana kuti 16, vakanyoresa kumakiriniki kuti vane pamuviri, uye vamwe zana nemakumi mashanu nevanomwe, 157, vari pasi pemakore gumi nematanhtau, 16, vakapona vana mumakiriniki ari muMashonaland Central.

Bepanhau reHealth Times rakatsinhirawo nyaya iyi richiti vanasikana vari pakati pemakore gumi, 10, nemakore makumi maviri nemaviri, 22, ndivo vaiva vakawanda pamadzimai ose akanyoresa pamuviri pavo kumakiriniki eDombotombo neNyameni kuMarondera mudunhu reMashonaland East pamwedzi mina yakutanga kwegore rino.

Hurumende inoti vanasikana mazana mashanu vakaitiswa pamuviri mumwedzi yaNdira naKukadzi gore rino, uye vamwe chiuru chimwe nemazana masere, kana kuti 1 800, vakaroodzwa panguva iyoyo munyika.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti vanasikana mamiriyoni gumi nematanhatu kana kuti 16 million vari pakakati pemakore gumi nemashanu nemakore gumi nemapfumbamwe vanosununguka gore roga roga, uye vanasikana vane makore ari pasi pegumi nemashanu vanosununguka vana gore roga roga pasi rose.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG