Zimbabwe nemusi weMugovera yakabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva revapoteri kana kuti World Refugee Day apo Unieted Nations iri kuchechema chema nekuwedzera kwehuwandu hwevanhu vari kumanikidzwa kusiya misha yavo vachienda muhupoteri.
Mapurisa ekanzuru yeHarare akabatana nemapurisa eZimbabwe Republic Police nhasi aenderera mberi achiputsa zvivakwa zvavari kuti zvakavakwa zvisiri pamutemo mumusha unogara vazhinji weMbare zvasiya vakawanda vasina pekugara kana pekutengesera kuti vawane kurarama.
Bazi rezvehutano rinoti nemusi weMugovera vanhu gumi vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nechirwere ichi vave chiuru chimwe chete nemazana matanhatu nematanhatu kana kuti 1, 666.
Kanzuru yeguta reHarare yafumira kuputsa zvivakwa zvese zvisiri pamutemo mumusha weMbare izvo zvasiya vanhu vakawanda varasikirwa nemidziyo inokosha zviuru nezviuru zvemadhora.
Fata mukuru we Roman Catholic Church, Baba Emmanuel Francis Ribeiro, avo vakashaya nemusi weChina, vapihwa ruremekedzo rwegamba nehurumende.
Zimbabwe yabatana neZambia mukuchema mutungamiri wekutanga wenyika iyi, VaKeneth Kaunda, avo vakashaya nezuro vanhu vachiremekedza mabasa akaitwa nemufi achiri mupenyu.
Ongororo yakaitwa neAfrobarometer inoratidza kuti Zanu PF inokunda zvishoma musarudzo yemutungamiri wenyika ikaitwa mangwana ichiteverwa neMDC Alliance.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakazivisa nezvedanho rehurumende iri rekuvhara dunhu reMakonde iro rinosanganisira guta reChinhoyi, Mhangura neLions Den mugwaro ravakanyora nezuro.
Zuva iri rinocherechedza kupedzwa kwehuranda munyika iyi musi wa Chikumi 19, 1865 muGalveston, mudunhu reTexas, zvichitevera mutemo wakanga wadzikwa muna 1863 nevaive mutungamiri weAmerica, VaAbraham Lincoln, weEmancipation Proclamation.
Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti vanhu vanomwe (7), vakafa neCovid-19, vamwe mazana matatu nemakumi manomwe nemumwe, kana kuti 371, vakawanikwa vaine chirwere ichi.
Sangano rinokweretesa mariu pasi rose, reInternational Monetary Fund (IMF) rinoti hupfumi hweZimbabwe hunotarisirwa kukura nezvikamu zvitanhatu kubva muzana gore rino.
Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vadzinga basa vaimbove mutongi wedare remhosva repamusoro, Amai Erica Ndewere, mushure mekunge vawonekwa kuti havachakodzeri kuti varambe vari mutongi wedare iri nekomiti yakaumbwa kuti ivaongorore.
Rodhai zvimwe