Accessibility links

Breaking News

Ongororo yeAfrobarometer Yokonzera Mutauro Munyika


Afrobarometer

Ongororo yakaitwa neAfrobarometer inoratidza kuti Zanu PF inokunda zvishoma musarudzo yemutungamiri wenyika ikaitwa mangwana ichiteverwa neMDC Alliance.

Ongororo iyi yakaratidza kuti zvikamu makumi matatu nezvitatu kubva muzana zvinovhotera Zanu PF uye zvikamu makumi maviri nezvitanhatu kubva muzana zvichivhotera MDC Alliance.

Vanhu zvikamu makumi mashanu nezviviri kubva muzana vakaramba kutaura kuti vanovhotera bato ripi kana kuti vakati havazivi kuti vachavhotera bato ripi.

Vanhu zvikamu makumi maviri nezvinomwe kubva muzana zvinoti zvakarerekera kuZanu PF uye zvikamu makumi maviri kubva muzana zvakati zviri pedyo neMDC Alliance.

Mushandi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio 7 kuti vanofara chose nezvakabuda mutsvakurudzo dzeAfrobarometer nekuti ndozvavanogaroudza vanhu nguva dzose.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, vaudza Studio 7 kuti tsvakurudzo dzinoitwa kuti dzibatsire mukufambiswa kwebasa uye dzapa bato ravo maonero arinoitwa nevamwe.

Vatiwo ongororo iyoyi yakaratidza kuti vanhu havasi kufara nehurumende yeZanu PF ndosaka zvakakosha kuti vanhu vabatane musarudzo dzinotevera.

Mutauriri weMDC T, VaWitness Dube, vati vanga vasati vaona gwaro reAfrobarometer asi vakati vanokoshesa tsvakurukudzo dzakadai.

Tsvakurudzo iyi yakaburitsawo kuti vakawanda munyika vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka, uye vanoti nyika iri kuenda kumawere sezvo hurumende isina zvairi kuita kuti vanhu vawane mabasa.

Zvikamu makumi matanhatu nezvinomwe kubva muzana zvevanhu zvinoti nyika iri kuenda kumawere uye zvikamu makumi manomwe nezviviri kubva muzana zvinoti hupfumi hauna kumira zvanaka.

Zvikamu makumi mapfumbamwe nechimwe kubva muzana zvinoti hurumende haina zvairi kuita kupa vanhu mabasa uye zvikamu makumi manomwe nezvisere zvinotiwo hapana zviri kuitwa nehurumende kuti mitengo yezvinhu isarambe ichi kwira.

Asi vamwe vanotiwo hurumende iri kutora matanho akanaka chose kuti munyika mugare muine runyararo.

Tsvakurudzo iyi inotiwo veruzhinji havavimbi nemutungamiriri wenyika, nhengo dzeparamende kana mapurisa uye vanovimba nemasangano anoshanda akazvimirira.

Mukuru weMedia Center, VaEnerst Mudzengi, vati havabvumirani nemaonero eAfrobarometer panyaya dzematongerwo enyika vachiti vanoshamiswa kuti vanhu vangavhotere Zanu PF sei ivo vasingavimbe nehurumende yebato iri.

Asi mumwe mugari wemuHarare, VaOwen Dhliwayo, vati vanobvumirana nemaonero eAfrobarometer.

Kunyanage hazvo vakawanda vachiti vakarasikirwa nemabasa kana nezvimwe zvavaiita kuti vawane rarano nekuda kweCovid-19, vakawanda vanoti hurumende iri kuita zvakanaka mukubata kwairi kuita denda reCovid-19.

Mukuru werimwe remasangano anomirira machiremba munyika, Dr Joannes Marisa vaudza Studio 7 kuti vanobvumirana nemaonereo eAfrobarometer vachiti hurumende neveruzhinji vakabata basa guru pakudzivirira kupararira kweCovid-19.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vange vasiri kudaira mbozhanhare yavo.

Ongororo iyi, yakaitwa kubva musi wa15 Kubvumbi kusvika musi wa1 Chivabvu gore rino pakabvunzurudzwa vanhu chiuru nemazana maviri kubva mumatunhu ese munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG