Accessibility links

Breaking News

America Yocherechedza Zuva reKupedzwa kweHuranda reJuneteenth National Independence Day


Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vachisaina mutemo wekuti musi waChikumi 19 rive zororo reJuneteenth National Independence Day.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vachisaina mutemo wekuti musi waChikumi 19 rive zororo reJuneteenth National Independence Day.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvabatana nhasi nevana venyika iyi mukucherechedza pamwe nekupemberera zororo idzva reJuneteenth.

Zuva iri rinocherechedza kupedzwa kwehuranda munyika iyi musi wa Chikumi 19, 1865 muGalveston, mudunhu reTexas, zvichitevera mutemo weEmancipation Proclamation wakanga wadzikwa muna 1863 nevaive mutungamiri weAmerica, VaAbraham Lincoln.

Nemusi weChina mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakasaina kuve mutemo zororo reJuneteenth National Independence Day, izvo zvakaitawo kuti matunhu akawanda aite chipatapata kuvhara mahofisi achicherechedza zuva iri.

Vachitaura mushure mekusaina mutemo uyu, VaBiden vakati chiitiko ichi ruremekedzo rwakakakoshesesa munhoroondo yehutungamiri hwavo.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muBaltimore mudunhu reMaryland, Mufundisi Isaac Mwase, vanoti zuva iri rakakosha zvikuru, kunyanya kumhuri yevatema vakatorwa kubva kuAfrica senhapwa vachinogariswa muAmerica.

Mufundisi Mwase vanoti kunyange hazvo zvakatora makore anodarika zana nemakumi mashanu zuva iri risati racherechedzwa, zvakaitwa naVaBiden zvinofanirwa kupembedzwa nevose vanofarira rusununguko pasi rose.

Zororo iri riri kuuyawo kwapera makore makumi matatu nemasere hurumende yeAmerica yapedzisira kutara zororo reMartin Luther King Jr Day, iro rinocherechedza murwiri wekodzero, mushakabvu VaMartin Luther King Jr, avo vakaurayiwa muna 1968 kuMemphis mudunhu reTennessee.

Hurukuro naRev. Doctor Isaac Mwase
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG