Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi Vofa neCovid-19 neMugovera


Bazi rezvehutano rinoti nemusi weMugovera vanhu gumi vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nechirwere ichi vave chiuru chimwe chete nemazana matanhatu nematanhatu kana kuti 1, 666.

Vanhu mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevatatu kana kti 293 vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vabatatwa nacho vave zviuru makumi mana nechimwe zvine mazana matanhatu nemakumi maviri nevasere kana kuti 41, 628.

Vanhu makumi maviri nevana vakapora kubva kuchirwere ichi zvasiya vapora vave zviuru makumi matatu nemanomwe zvine zana nemakumi matanhatu nemanomwe kana kuti 37, 167.

Vanhu vachiri kurwara nechirwere ichi vave zviuru zviviri zvine mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nevashanu kana kuti 2, 795.

Hurumende inoti nzvimbo dzave kunyanya kupararira chirwere ichi zvekuti dzinogona kuiswa mitemo yakati omei kuti vanhu vasafambe fambe dzinoti Karoi, Chirundu, Magunje, Mhangura, Chinhoyi, Chidamoyo kuMashonaland West, uyeChiredzi mudunhu reMasvingo.

Dzimwe nzvimbo dzinoti Nkulumane, Emakhandeni nekunzvimbo dziri kumaodzanyemba kana kuti Northern Surbubs muguta reBulawayo, uye kuMt Darwin kuMashonaland West. Nzvimbo dzakaiswa mitemo yakaomarara kare kuyedza kumisa kupararira kwechirwere ichi dzinoti Kariba, Karoi, Makonde neKwekwe.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu zviuru mazana manomwe nechimwe zvine mazana matatu nemakumi mana nevasere kana kuti 701 348 vabayiwa nhomba yekudzvirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vanhu zviuru mazana mana nemakumi matatu nevaviri zvine mazana mashanu nemakumi manomwe nevaviri kana kuti 432, 572 ndivo vabayiwa nhomba kechipiri sezviri kukurudzirwa nenyanzvi munyaya dzezvehutano.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana nhomba senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Enoch Mayida avo vaimbotungamira chipatara cheChitungwiza vanoti vanhu vanofanira kungwaria kubatwa nechirwere ichi vachikurudzira vanhu kuti vabayiwe nhomba.

Hurukuro naDoctor Enoch Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG