Sangano rinokweretesa mariu pasi rose, reInternational Monetary Fund (IMF) rinoti hupfumi hweZimbabwe hunotarisirwa kukura nezvikamu zvitanhatu kubva muzana gore rino.
Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vadzinga basa vaimbove mutongi wedare remhosva repamusoro, Amai Erica Ndewere, mushure mekunge vawonekwa kuti havachakodzeri kuti varambe vari mutongi wedare iri nekomiti yakaumbwa kuti ivaongorore.
Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vati vatendi munyika varasikirwa nemufundisi mukuru uyo ayigona kushanda nemasangano akasiyana siyana.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika nemusi weChitatu zvasiya vanhu vafa kubva chirwere ichi zvachatanga kupararira vave chiuru chimwe chete nemazana matanhatu nemakumi mana kana kuti 1, 640.
Gwaro rakaburitswa neZIMVAC richiti ongororo yayakaita inoratidza kuti hurumende yakawedzera rutsigiro rwainopa kumapoka anotambura kubva pakatanga denda reCovid-19 gore rapera, raunza mutauro, vamwe vachiti harinyatsoratidzi mamiriro akaita zvinhu mumaruwa munyaya dzechikafu.
Muvanhu vanobva kune dzimwe nyika vari muhusungwa ava, Amai Marathe vati zviuru zviviri zvine mazana masere ane makumi matanhatu (2,860) zvizvarwa zveZimbabwe.
Munyori mukuru wesangano revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti nyaya yekukundikana kuita basa kwekambani yeZUPCO kuchapa kuti chirwere cheCovid-19 chipararire zvakanyanya sezvo vanhu vari kugara vakaunga vakamirira kutakurwa.
Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya vanoti mutemo wechimbi chimbi weStatutory Instrument 127 uchabata chete avo vanoshandisa zvisizvo mari yepamusika weRBZ Foreign Currency Echange Auction.
Zimbabwe yabatana nenyika dzemuAfrica mukucherechedza zuva reDay of the African Child ichikurudzirwa nevanorwira kodzero dzevana kuti iremekedzewo zvibvumirano zveAgenda 2040, izvo zvinosanganisira hupenyu hwakanaka hwevana pamwe nehutano hwavo hwakanaka.
Mutsamba dzaendeswa kubazi rezvedzidzo yepamusoro, masangano aya ati zvichitevera kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 anoda kuti bazi iri rimise zvidzidzo muzvikoro zvepamusoro senzira yekudzvirira kuparira kwedenda iri muzvikoro.
Mutori wenhau anoshandira New York Times, Jeffrey Moyo, abuda mujere nhasi mangwanani mushure mekunge dare reHigh Court rabvuma kuti abhadhare mari yechibatiso.
Chizvarwa cheZimbabwe chiri kuHague kuNetherlands, VaNeville Mkhululi Mehluli Mchina, vakagadzira muchina unobatanidza varimi vanenge vaine zvirimwa zvakawandisa zvinogona kuzoguma zvaraswa pamwe nevatengi kana vemisika.
Rodhai zvimwe