Accessibility links

Breaking News

Vematongerwo eNyika Vopesana Maonero paNyaya yeKugoverwa kweChikafu kuMaruwa


Mhuri dzakawanda kumaruwa dzinonzi dzave kukwanisa kuwana rubatsiro rwehurumende kubva pakatanga Covid-19 munyika.
Mhuri dzakawanda kumaruwa dzinonzi dzave kukwanisa kuwana rubatsiro rwehurumende kubva pakatanga Covid-19 munyika.

Gwaro rakaburitswa neZimbabwe Vulnerability Assessment Committee, (ZIMVAC) richiti ongororo yayakaita inoratidza kuti hurumende yakawedzera rutsigiro rwainopa kumapoka anotambura kubva pakatanga denda reCovid-19 gore rapera, raunza mutauro, vamwe vachiti harinyatsoratidzi mamiriro akaita zvinhu mumaruwa munyaya dzechikafu.

Mumwe wevanhu ava mutewedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlyatwayo, avo vanoti rubatsiro rwushoma rwacho rwuri kupiwa nehurumende irworwo rwuri kugoverwa pachishandiswa zvematongerwo enyika, izvo zvinozosiya dzimwe mhuri dzinenge dzichinzi hadzitsigiri bato riri kutonga reZanu PF kunze.

Asi vanotsigira gwaro reZIMVAC iri vanoti zviri pachena kuti hurumende yakawedzera rubatsiro kune vanotambura mumaruwa sezvo kwave nevanhu vashoma vari kuda rubatsiro, uye zviri pachena kuti vanhu vari kubatsirwa nehurumende.

Mumwe wacho vari vechidiki veZanu PF, VaAlex gakanje, vanoti zvakare manyepo ekuti vanhu vari kugoverwa rubatsiro urwu vachitariswa kuti vabuda mumba maani mune zvematongerwo enyika.

VaGakanje vanoti chimwe chisiri kuonekwa neveMMDC Alliance ndechekuti Zanu PF ibato rine vatsigiri vakawanda kumaruwa izvo zvinozoita kuti chikafu kana zvose zvinenge zvichigoverwa zviite sezviri kuenda kuvanhu vebato rimwe chete.

Asi VaHlyatwayo vanoti dambudziko rave munyika nderekuti hapachina mutsauko pakati pebato reZanu PF nehurumende, izvo zviri kuita kuti nhengo dzebato iri dzipindire muzvirongwa zvisiri zvadzo.

Ukuwo, VaGakanje vanoti zvose zvinogoverwa zvinoitwa nehutungamiri hwenharaunda, vangava makanzura kana masabhuku, asi nekuda kwektui vanhu ava vanenge vari vatsigiri veZanu PF zvinobva zvangoonekwa sekunge Zanu PF yapindira.

ZIMVAC inoti kubva pakawedzerwa nehurumende rubatsiro rwayo kune vanoshaya kumaruwa, zvikamu makumi mashanu nezvina kubva muzana zvemhuri dzinoshaya zvave kuwana rubatsiro rwezvekudya.

Hurukuro naVaClifford Hlyatwayo naVaAlex Gakanje
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG