Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuvhara Zvikoro Sezvo Huwandu hweVanhu Vane Covid-19 Hwakwira Zvakare


Tapiwanashe Chiriga ZINASU
Tapiwanashe Chiriga ZINASU

Sangano reCollege Lecturers Association kana kuti COLAZ pamwe nerimwe sangano reCouncil for Students Teachers, COST nhasi vasvitsa chikumbiro kubazi redzidzo yepamusoro chekuti zvidzidzo muzvikoro izvi zviitwe pamadandemutande senzira yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19 muzvikoro izvi.

Mutsamba dzaendeswa kubazi rezvedzidzo yepamusoro, masangano aya ati zvichitevera kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 anoda kuti bazi iri rimise zvidzidzo muzvikoro zvepamusoro senzira yekudzvirira kuparira kwedenda iri muzvikoro.

Mutungamiriri wesangano reCouncil for Student Teachers, VaWalter Muzamani, vaudza Studio 7 kuti vari kutoda kuti zvikoro zvitovharwa nhasi chaiko nekuti vakawandavavo vanogona kubatwa neCovid-19 sezvakaitika kuMorgenster neBondolfi Teachers College kuMasvingo uko kwakabatwa vadzidzi vakawanda nedenda iri zvikoro izvi zvikavharwa.

VaMuzamani vati muzvikoro zvizhinji hamuna maSaniter uye vanodzidza vakawanda izvi zvinowedzera mikana yavo yekubatwa neCovid-19.

Imwe nhengo yeCOST, VaStephen Marshal Mariwo,vati hurumende inofanira kukoshesa nyaya iyi kwete kumirira kuti vanhu vabatwe neCovid-19.

Munyori musangano reCOLAZ, VaNickson Madhovi, vaudza Studio 7 kuti kuuya kweThird Wave yeCovid-19 kunovaisa munjodzi uye bazi redzidzo yepamusoro rinofanira kufambirana nezviri kuitwa nePublic Service Commission iyo yakazivisa kuti zvikamu makumi mana kubva muzana chete zvevashandi vehurumende ndizvo zvinofanira kuramba zvichienda kubasa.

Hatina kukwanisa kunzwa divi regurukota redziudzo yepamusoro, VaAmon Murwira, panyaya iyi sezvo vange vasiri kudaira nhare mbozha yavo.

Asi mukuru anoona nezvezvikoro zvepamusoro soro mubazi iri, VaElizha Ndanga, vakanyorera vakuru vezvikoro izvi vese neMuvhuro vachivazivisa kuti dzidzo yainderera mberi muzvikoro izvi zvisinei kuti hurumende yainge yasimbaradza matanho ekudzivirira kupararira kweCovid-19 kutanga nemusi weMuvhuro.

Munyori mukuru weZimbanbwe National Students Union, VaTapiwanashe Chiriga, vaudza Studio 7 kuti dzidzo inofanira kuenderera mberi asi huwandu hwevadzidzi hunofanira kuderedzwa muzvikoro.

Zvichakadai zvimwe zvikoro zvepamusoro zvakaita seChinhoyi University of Technology zvave kudzidzisa pamadandemutande.

Muchiziviso kuvadzidzi, chikoro ichi chati vadzidzi vese vanenge vachigara pachikoro ichi vanofanira kunge vabuda pachikoro nenguva dza12 masikati.

Asi zvimwe zvikoro zvakaita seMidlands State University neGreat Zimbabwe Universirty zvange zvichiri kuenderera mberi nezvidzidzo zvichiti zvichiri kuongorora mamiriro akaita zvinhu pakupararira kweCovid-19.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu vaviri vakafa nechirwere ichi, uye vamwe mazana maviri nemakumi mana nemumwe chete vakabatwa neCovid-19 nezuro wakare.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika vose vava zvuru makumi mana nemazana matatu negumi nevasere, 40 318, uye vafa vava chiuru chimwe chete nemazana matanhatu nemakumi matatu nevanomwe, 1 637.

Vanhu vabayiwa nhomba yekutanga munyika yose vava zviuru mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nezvina nemazana manomwe nemakumi matatu, 694 730.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19, hurumende yakatanga nemusi weMuvhuro kusimbaradza zvakanyanya hurongwa hwavo hwekurwisa chirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG