Accessibility links

Breaking News

Baba Emmanuel Ribeiro veRoman Catholic Church Vochemwa neVamwe Vavo


Reverend Kenneth Mtata

Fata mukuru wekereke yeRoman Catholic, Father Emmanuel Francis Ribeiro, vashaya nhasi mambakwedza pachipatara cheSt Annes muHarare.

Father Ribeiro, avo vafa vave nemakore makumi masere nematanhatu,
vaizivikanwa zvakanyanya munyaya dzekuyamura vanotambura, kunyora
mimhanzi yechitendero pamwe nemabhuku.

Father Ribeiro vane mabhuku matatu eShona anoti Muchadura (1967), Tonderai (1969 na Ndakaitei. Mabhuku aya akamboshandiswa muzvikoro muzvidzidzo zveShona.

Mumwe akashanda naFather Ribeiro, Father Fidelis Mukonori, vati
varasikirwa neshamwari yepamoyo asi yazorora semunhu akaita
mabasa makuru anosanganisira kushandisa chipo chavo chekuimba
mukubatanidza vanhu.

Father Mukonori vati rimwe basa guru rakaitwa naFather Ribeiro
nderekuyamura vanhu vaive mumajeri vainge vasungirwa nyaya dzezvematongerwo enyika.

Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vati vatendi munyika varasikirwa nemufundisi mukuru uyo ayigona
kushanda nemasangano akasiyana siyana.

Mutungamiri wechechi yeDevine Destiny, Bishop Magaya, vati rufu
rwaFather Ribeiro rwunopa mutendi mukana wekucherechedza mabasa makuru avakaita zvikuru munyaya dzezvinyorwa zvinodzidzisa mararamiro evanhu akanaka.

Munyaya dzezvematongerwo enyika Father Ribeiro vakayamura vaimbove
mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe naVaEdgar Tekere kuyambuka kuenda kuMozambique uye vakapa pekugara VaMugabe naVaEnos Nkala apo vainge vaburitswa mujeri muna 1975 mushure mekupedza makore gumi nemaviri vari muhusungwa.

Reverend Mtata vati Father Riberio vakabatsira zvakanyanya munguva
yehondo sezvo vaiziva kuti basa rekereke kuvaka nyika.

Mumwe arwadziwa nerufu rwaFather Ribeiro mumwe wevaive murwiri wehondo yerusununguko, VaConnilious Muoni, avo vati vakaita musangano naFather Ribeiro mwedzi miviri yapfuura.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana
vazivisa padandemutande ravo reTwitter kuti Father Ribeiro vashaya
mangwanani nhasi.

VaMangwana vati Father Ribeiro vakamboshanda mumajeri vari
mutevedzeri wemukuru anoona nezvevasungwa munyaya dzekunamata apo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakange vari musungwa nekuda kwenyaya dzezvematongerwo enyika.

Father Riberio vakazvarwa kuChivu mugore ra1935 uye vakadzidza
paKutama Mission ndokunodzidzira kuve mudzidzisi paGweru Teachers
College. Vakazonodzidzira basa rehufundisi paChishawasha
ndokuenda kuAmerica uko vakanoita zvidzidzo zvepamusoro soro paBloomington College of Music.

Father Riberio, avo vakanyora mimhanzi yechitendero cheRoman Catholic
inosvika gumi neminomwe, vakagadzwa kuva mufundisi musiwa 13 Zvita
mugore ra1964 ndokushandira nzvimbo dzinosanganisira Mhondoro,
Highfield muHarare pamwe nekumajeri uko vakasangana nekuzivana
nevezvematongerwo enyika vainge vakasungwa.

Dzimwe nziyo dzavakanyora dzinosanganisira nziyo dzinoti Mambo Mwari
wamasimba naTauya nezvipo zvemupiro, Hwayana yaMwari, Mwari Ngaarumbidzwe nedzimwe.

Hapana zvati zvaziviswa nekereke yeRoman Catholic nezvekuradzikwa kwavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG