Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nevamwe vatungamiri venyika dzemuSADC vanonzi vawirirana kuti dunhu reSADC ritumire mauto aro kudunhu reCabo Delgado, kuMozambique uko kuri kurwiswa nevanopfurikidza mwero.
Bato reMDC Alliance rinoti richaramba richirwira kuvandudzwa kwemitemo yesarudzo, richiti rinoda kuti Zimbabwe Electoral Commission iise nzvimbo dzakawanda dziri pedyo nevanhu dzekunyoresa kuvhota.
Vagari vekuChiredzi vari kutambira nenzira dzakasiyana siyana kumbovharwa kwakaitwa dunhu ravo senzira yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19 iro riri kuramba richikiwira munzvimbo iyi pamwe nedzimwe nzvimbo munyika yose.
Nyaya yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvibvumidzwe kuvhota zviri munyika dzazvigere musarudzo dziri kuitwa muna 2023 imwe yenyaya dziri kutarisirwa nevakawanda kuti dai dzagadziriswa panovandudzwa mitemo ine chekuita nesarudzo.
Mukuru wehofisi yaComptroller and Auditor- General, Amai Mildred Chiri, vanoti makanzuru emaguta nemadhorobha akawanda munyika haasi kuita basa nemazvo akaita sekutakura marara nekuwanisa vanhu mvura yakachena.
Sachigaro wedunhu diki reMakonde mubato reZanu PF, VaKindness Paradza, vabvuma kuti ichokwadi kuti vakanyorera tsamba dunhu ravo reMakonde kuitira kuti vanhu vaendese magwaro avo senzira yekugara vakagadzirira kana sarudzo dzazobvumidzwa kuitwa munyika.
Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, uye vari gurukota rezvehutano, VaConsantino Chiwenga, vakaisa mitemo mitsva munyika inorambidza chero mhando dzipi dzekungano kunze kweparufu panodiwa vanhu makumi matutu, senzira yekudzivirira chirwere cheCovid-19.
Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, rakazivisa nezuro kuti kubva musi wa01 Chikunguru gore rino mabhanga ose emunyika anenge osungirwa kubhadhara miripo pamari dzaanenge akachengeta, kana kuti interest sezvinodiwa nemutemo weStatutory Instrument 65A wegore ra2020.
Zvichitevera chikumbiro chakaitwa nemutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, chekuti sarudzo dzema ’by-elections’ dzimbomiswa, vazhinji vari kuvashora zvikuru.
Vashandi vehurumende dzenyika dzemuAfrica vari kusangana kuVictoria Falls kwemazuva matatu, kutanga nezuro, Muvhuro.
Sangano rinoona nezvemagomarara reCancer Association of Zimbabwe rinoti varume vakawanda vari kufa negomarara resikarudzi kana kuti prostate cancer sezvo vachizoenda kunovheneka chirwere ichi chatokomba.
Sangano reSports and Recreation Commission rinoti richiri kuzeya chikumbiro cheZIFA chekuti mitambo yenhabvu iyo yakambomiswa ienderere mberi zvinozopawo kuti chikwata chemaWarriors chikwanise kutanga gadziriro yekuenda umakundano eCOSAFA Cup kuSouth Africa mwedzi unouya.
Rodhai zvimwe