Accessibility links

Breaking News

SRC Inoti Ichiri Kuzeya Chikumbiro cheZIFA Chekuti Mitambo yeNhabvu Ienderere Mberi Munguva Ino yeCovid-19


ZIFA inoti kana mitambo yenhabvu yakaenderera zvinozopa mukana kuchiwkata chemaWarriors kudazirira mitambo yeCOSAFA.
ZIFA inoti kana mitambo yenhabvu yakaenderera zvinozopa mukana kuchiwkata chemaWarriors kudazirira mitambo yeCOSAFA.

Sangano reSports and Recreation Commission rinoti richiri kuzeya chikumbiro cheZIFA chekuti mitambo yenhabvu iyo yakambomiswa ienderere mberi zvinozopawo kuti chikwata chemaWarriors chikwanise kutanga gadziriro yekuenda umakundano eCOSAFA Cup kuSouth Africa mwedzi unouya.

Chikwata chemaWarriors chikatadza kuenda kuno kwikwidza mumakundano eCosafa Cup aya kanenge kari kekutanga kubvira muna 1997 apo makundano aya akavambwa.

Vanoona nezvekushambadzira mabasa muSports and Recreation Commission Muzvare Elleta Sanangura vanoti vachiri kubvuwa nyaya yeZifa iyi vachiwedzera ivo kuti vachazivisa sangano renhabvu iri nezvemamiriro erwendo rwavo.

Asi Muzvare Sanyangare havana kupa nguva yekuti izvi zvichaitwa rinhi kunyange hazvo mazuva ari kufamba kuti varairidzi vaungamidze chikwata chavo nekutadza gadziriro.

Mutauriri wevanotungamira nhabvu munyika veZifa VaXolisani Gwesela vatiwo havasati vawana mvumo yekutendera chikwata ichi kuenda kumakundano aya ayo ari kuitwa muSouth Africa kutanga musi wa 7 Chikunguru.

Mitemo yenyika inoti chikwata chese chinobuda kunokwikwidza kunze kwenyika chinofanira kutanga chapihwa mvumo nehurumende.

Pamusoro pemvumo yekutenderwa kuenda kuSouth Africa, maWarriors anofanira zvekare kupihwa mvumo yekupinda mukamba kuita gadziriro zvichitevera kumiswa kwakaitwa mitambo ine kusangana kwakanyanya nehurumende musi wa 14 Chikumi.

Kutadza kuenda kumakundano aya kunokanganisa maWarriors zvikuru sezvo murairidzi wechikwata ichi Zdravko Logarusic arikuda kushandisa makundano aya kugadzirira mitambo yeWorld Cup irikutevera.

Asi maneja wavo VaWellington Mpandare vane chivimbo chekuti maWarriors achaenda kumakundano aya vachiti ivo kushaya gadziriro yakakwana hakuvakanganise kukunda.

MaWarriors ari mugungano rimwechete neMozambique, Namibia, nevaenzi veSenegal avo vakakokwa mumakundano esangano rekuchamhembe kweAfrica iri.

Zimbabwe ndiyo ine mikombe yeCosafa yakawandisa mushure mekutora mishanu ichiteverwa neZambia iyo ine mina.

Mutsigiri wemaWarriors VaJonah Bhona vanoti kunyange hazvo nhabvu yakamiswa munyika maWarriors anonoita zvishamiso kuCosafa.

Mikombe mina yeZimbabwe yakatorwa nemurairidzi mumwechete Sunday Chidzambwa uyo aimbonzi Sunday Marimo.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG