Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Voshorwa Mushure Mekukurudzira Kuti Sarudzo Dzimbomiswa


VaDouglas Mwonzora

Zvichitevera chikumbiro chakaitwa nemutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, chekuti sarudzo dzema ’by-elections’ dzimbomiswa, vazhinji vari kuvashora zvikuru.

Nemusi weSvondo, bepanhau reStandard rakabudisa mashoko ekuti mumusangano wakaitwa pakati paVaMwonzora naVaMnangagwa nemutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga, kumuzinda weState House, VaMwonzora vakakumbira VaMnangagwa kuti vambomisa sarudzo dzema’by-elections’.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti zviri pachena kuti VaMwonzora vanotya kuti bato ravo rinogona kukundwa zvine mutsindo musarudzo idzi, saka vachida kuti kusaitwa sarudzo.

Bato reMDC Alliance riri kushora zvikuru chikumbiro chaVaMwonzora, richiti hachienderani nehutongi hwejekerere.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vaudza Studio 7 kuti VaMwonzora vari kuratidza pachena kuti vari kushanda nebato reZanu-PF.

VaHlatywayo vati dai VaMwonzora vachida kubatsira nekugadzirisa hupenyu hwevanhu havairamba kuti vanhu vatume vanhu vavazvisarudzira kuti vavamirire kudare reparamende kana kumakanzuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMwonzora sezvo mutauriri webato ravo, VaWitness Dubem vanga vasiri kubatika panharembozha yavo,

Asi sachigaro we Zanu-PF mudunhu reNorth America, VaRegis Charumbira Vusango, vanorumbidza VaMwonzora, vachiti VaMwonzora vane chido chekubatsira mukugadzirisa zvinhu zvinonetsa munyika sezvo vapindavo musangano remapoka anopikisa ari kuita hurukuro nemutungamiri wenyika, rePolitical ActorsDialogue.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG