Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoda Kuti Mitemo yeSarudzo Igadziriswe


Fadzai Mahere
Fadzai Mahere

Bato reMDC Alliance rinoti richaramba richirwira kuvandudzwa kwemitemo yesarudzo, richiti rinoda kuti Zimbabwe Electoral Commission iise nzvimbo dzakawanda dziri pedyo nevanhu dzekunyoresa kuvhota.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau nhasi muHarare, munyori anoona nezvenyaya dzesarudzo muMDC Alliance, VaIan Makone, vati MDC Alliance ine shuviro yekuti panozosvika gore ra2023, iro riri kutarisirwa kuitwa sarudzo, mitemo ine chekuita nesarudzo inenge yavandudzwa.

VaMakone vati MDC Alliance ine chirongwa chekukurudzira vatsigiri vayo kunonyoresa kuvhota asi vati nzvimbo dzekunyoresa dziri kure nemisha inogara veruzhinji.

VaMakone vapomerewo sangano reZimbabwe Election Commission (ZEC) mhosva yekunyoresa vanhu vashoma pazuva vachiti izvi zvinoodza moyo kunyanya kune avo vari kure nenzvimbo dzekunyoresa.

VaMakone vatiwo kunyange hazvo MDC Alliance iri kuedza kuita nhaurirano neZEC kuti ikurukure nayo zvainofunga kuti zvinoda kuvandudzwa, asi ZEC haisi kupindura zvinyorwa zvavo.

Mumwe komishina weZEC, VaQubani Moyo, varamba mashoko aya vachitiwo sangano re ZEC riri mushishi mekuita nhaurirano neavo vane chekuita nezvesarudzo.

VaMoyo vati ZEC yakasununguka kuita nhaurirano neavo vese vanoda.

VaMoyo vatiwo pari zvino kunyoreswa kwevavhoti kuri kuitwa kumatunhu ane nzvimbo dzekunyoresa idzi vachiti munguva shoma inotevera, ZEC ichange yowedzera nzvimbo dzekunyoresa.

Mutungamiriri webato rinopikisa reLEAD, Muzvare Linda Masarira, vabvumawo kuti nhengo dzavo dziri kuita dambudziko pakunyoresa kuvhota.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda neMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vati zvakakosha kuti ZEC ive ichikwanisa kuti vanhu vese vanyorese kuvhota nguva dzese.

MDC Alliance yatiwo nhengo dzayo hadzifanirwi kunetsekana kuti bato iri richashandisa zita ripi kupinda musarudzo.

Mutauriri webato iri, Muzvare Fadzai Mahere, vati chakakosha pari zvino kugadzirisa kuti vanhu vanonyoresa kuvhota vakasununguka huye zvirinyore vachiti vatsigiri veMDC Alliance vachakurukura nyaya yekuti voshandisa zita ripi.

Zimbabwe yave nemakore akawanda ichiita sarudzo dzine bopoto.

Nyanzvi munyaya dzesarudzo dzinotiwo Zimbabwe ikasavavandudza mitemo yesarudzo bopoto iri richaramba ririko.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG