Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoita Hurongwa hweKugadzirira Sarudzo dzeBye Elections


Honorable MP Kindness Paradza
Honorable MP Kindness Paradza

Kunyange hazvo hurumende yakambomisa kuita sarudzo dzema by-elections munyika yose, bato reZanu PF riri mubishi kuita hurongwa hwekusarudza nhengo dzaro dzicharimiririra musarudzo idzi kana dzave kuitwa.

Mutsamba yavo vachinyorera matunhu ose munyika, vakafanobata chigaro
chemurongi wemusangano mubato reZanu PF, VaPatrick Chinamasa, vakaudza nhengo dzebato ravo mumatunhu ose kuti dziunze magwaro adzo anoratidza zvadziri, kana kuti maCV, kuitira kuti dziongororwe kana dzichikodzera kumirira bato musarudzo dzeparamende nedzemakanzuru.

Sachigaro wedunhu diki reMakonde mubato reZanu PF, VaKindness Paradza, vakabva vanyorerawo nhengo dzebato ravo mudunhu iri kuti dziunze magwaro aya kumahofisi avo epurovhinzi musi weChishanu
svondo rino usati wapfuura.

VaParadza, avi vanova zvakare mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, vabvuma kuti ichokwadi kuti vakanyorera tsamba dunhu ravo reMakonde kuitira kuti vanhu vaendese magwaro avo senzira yekugara vakagadzirira kana sarudzo dzazobvumidzwa kuitwa munyika.

Tatadza kubata mutauriri weZimbabwe Election Commission, ZEC, VaUtoile Silaigwana kuti tinzwe kuti vave nezuva here richaitwa sarudzo idzi asi vanga vasinga davire mbozhanhare yavo.

Asi mumwe komishina weZEC, VaQhubani Moyo, vati havasati vapihwa bvumo yekuita sarudzo nemutungamiri wenyika sezvinodikanwa nemutemo.

VaMoyo vati mapato ari kusarudza nhengo dzawo dzekupinda musarudzo
ndezvemapato iwayo senzira yekugadzirira kana pave kuitwa sarudzo.

Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo,
vati havaneyi nezviri kuita bato reZanu PF vati bato ravo rakamirira hurongwa huri pachena.

VaHlatywayo vati vagari munyika vanofanirwa kugara vakagadzirira
sarudzo chero nguva.

Mutauriri webato reMDC T, VaWitness Dube, vati vakagadzirira sarudzo
dzose dzema by-election vachiti vanhu vanofanirwa kusarudza vamiririri
vavanoda.

Hurumende yakambomisa kuitwa kwesarudzo munyika ichiti nyika haina
kugadzirira kuita sarudza munguva ino yechirwere cheCovid-19.

Pane zvigaro zvakawanda zvinofanirwa kusarudzwa vanhu kuti vazvimirire
muparamende nemumakanzuru zvichitevera kudzingwa kwakaitwa nhengo idzi muparamende nemumakanzuru, pamwe nedzimwe nhengo dzakashaya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG