Accessibility links

Breaking News

Vagari Vochema neCovid-19 Lockdown kuChiredzi


Zimbabwe police
Zimbabwe police

Vagari vekuChiredzi vari kutambira nenzira dzakasiyana siyana kumbovharwa kwakaitwa dunhu ravo senzira yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19 iro riri kuramba richikiwira munzvimbo iyi pamwe nedzimwe nzvimbo munyika yose.

Izvi zvinotevera kuvharwa kwakaitwa dunhu reChiredzi nezuro nehurumende ichiti hapana vanhu vachapinda kana kubuda munzvimbo iyi senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 kudzimwe nzvimbo.

Mumwe mugari wemumusha we Tsvovani, VaHarold Madzanga, avo vanoita basa rekutengesa mumugwagwa, vati vacharaisikirwa nemari inoraramisa mhuri yavo, nekudaro danho iri havaritambiri zvakanaka.

Mumwe mugari, Amai Miriam Chiondegwa, vati mutemo uyu wavavharira mukana wemabasa muminda yekambani ye Tongart Hullert
inotora vanhu vemaricho munguva ino yekukohwa nzimbe idzo dzakabata
hupfumi hwedunhu reMasvingo.

Asi VaCharles Munganasa vari kupembedza hurumende nekutora danho iri vachiti rakanaka nekuti rinoponesa hupenyu hwevanhu kubva kuchirwere ichi, kunyange zvichikanganisa raramo yevanhu.

Mutauriri wekomiti ye Covid Taskforce muMasvingo, VaRodgers Irimayi,
vati hurumende iri kukurudzira vanhu vekuChiredzi kuti vatevedzere
zvisungo zvaiswa nehurumende uye vachange vachishanda nevemutemo kuti mirawo iyi itevedzerwe.

Dunhu reChiredzi rave nemasvondo maviri richiita richivhiringwa zvakanyanya neCovid-19.

Nezuro dunhu iri raiva nevanhu makumi matatu nemumwe vakabatwa
nechirwere ichi, kuswera zuro raiva nevanhu makumi mashanu nevashanu uye musi wa 19 Chikumi raive nevanhu gumi nevapfumbamwe vakabatwa neCovid-19.

Chiredzi inobatana nemamwe matunhu munyika akaiswa pachirongwa ichi
anoti Kariba, Hurungwe, Kwekwe, Karoi, Makonde, Chinhoyi, Mhangura,
Chidamoyo,, Magunje, Chirundu, Nkulumane ne Emakhandeni kuBulwayo
pamwe nezvimbo dzinogara vanhu dzekumadokero kuMount Darwin.

Nezuro vanhu vatanhatu vakafa nechirwere ichi munyika zvichisvitsa
vanhu vafa pachiuru chimwe chete nemazana matanhatu ane makumi
mapfumbamwe nmeumwe, 1 691.

Vanhu mazana mashanu negumi nevapfumbamwe vakabatwa nechirwere
ichi nezuro wakare zvaita kuti vanhu vabatwa munyika yose vave zviuru makumi mana nezviviri nemazana manomwe ane gumi nevana, 42 714.

Kuzvika pari zvino, Zimbabwe yabaya nhomba vanhu vanosvika zviuru mazana manomwe nezvitanhu, nezana nemakumi masjanu nevasere, 706 thousand 158
Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi munyika yose, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana 60% senzira yekudzivirira denda reCovid-19.

Zvichakadaro, matare amejasitireti muChinhoyi avharwa nhasi zvichitevera kubatwa nechirwere cheCovid-19 kwevashandi vana vanosanganisira mutongi wedare redzimhosva mumwe chete. Izvi zvaita kuti nyaya dzanga dzichifanirwa kunzwikwa nhasi dzitadze kupinda mumatare.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri weJudicial Services Commission, Amai Bianca Makwande, sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG