Accessibility links

Breaking News

Bato rePatriotic Zimbabweans Rokurudzira Paramende Kudzika Mutemo Unobvumidza Vari Kunze Kuvhota


Munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato rePatriotic Zimbabweans, VaPishai Muchauraya
Munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato rePatriotic Zimbabweans, VaPishai Muchauraya

Nyaya yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvibvumidzwe kuvhota zviri munyika dzazvigere musarudzo dziri kuitwa muna 2023 imwe yenyaya dziri kutarisirwa nevakawanda kuti dai dzagadziriswa panovandudzwa mitemo ine chekuita nesarudzo.

Izvi ndizvo zvakazoita kuti bato idzva rePatriotic Zimbabweans rinyore tsamba kudare reparamende mwedzi wapera richikumbira pamwe nekukurudzira nhengo dzeparamende kuti dzidzike mutemo unobvumidza vari kunze kwenyika kuti vavhotewo vari kwavari musarudzo dziri kuuya muna 2023, pamwe nedzichazotevera.

Munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato rePatriotic Zimbabweans, VaPishai Muchauraya, vanoti kutanga kwemwedzi vakawana mhinduro kubva kuna mabharani weparamende, VaKennedy Chokuda, vachiziviswa kuti tsamba yavo yakatambirwa uye iri pamutemo.

VaMuchauraya vanoti VaChokuda vakatiwo chichemo chebato ravo chichasvitswa kukomiti yeparamende inoona nezvemitemo kuti ichizeye, pashure vozoudzwa zvinenge zvasungwa.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvagara zvichinetsa kuti zvwaniswe mukana wekuvhota zviri munyika dzazvigere, asi hurumende inopa zvikonzero zvakasiyanasiyana, chiikuru chacho chiri chekuti haina mari yekuti ikwanise kuita izvi.

Hurukuro naVaPishai Muchauraya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG