Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende dzemuAfrica Voita Musangano weMazuva Matatu kuVictoria Falls


Victoria Falls
Victoria Falls

Vashandi vehurumende dzenyika dzemuAfrica vari kusangana kuVictoria Falls kwemazuva matatu, kutanga nezuro, Muvhuro.

Musangano uyu ndewekucherechedza kukosha kwemabasa anobatwa nevashandi vehurumende muAfrica yose.

Musangano uyu, uyo wakarongwa nesangano reAfrican Union, ndewechisere kuitwa, uye uri kupindwa nevamiriri vanobva kunyika pfumbamwe chete.

Dzimwe nyika dzose dziri kutevera musangano uyu kuburikidza nedandemutande nekuda kwemitemo inodzivirira kupararira kweCovid-19, iyo inorambidza kuungana kwevanhu vakawanda.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, ndivo vakavhura musangano uyu zviri pamutemo nezuro vachitauramashoko avo padandemutande vari muHarare.

VaChiwenga vakakurudzira kuti vashandi vehurumende vange vachipiwawo mihoro inovagutsa, vachiti hurumende yavo iri kugadzirisa zvichemo zvevashandi vayo kuburikidza nekuita nhaurirano

.Nyika dzine vamiriri kumusangano uyu dzinosanganisira Zimbabwe, South Africa, Rwanda, Kenya, Algeria, Tanzania neZambia.

Mutevedzeri wemunyori mukuru wesangano rinomirira vashandi vehurumende re Zimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaGibosn Mushangu, avo vari kuVictoria Falls, vanoti musangano uyu wakavakoshera zvakanyanya sezvo uchivapa mukana wekudzidzawo kubva kune vamwe vashandi vemuAfrica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG