Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, rakazivisa nezuro kuti kubva musi wa01 Chikunguru gore rino mabhanga ose emunyika anenge osungirwa kubhadhara miripo pamari dzaanenge akachengeta, kana kuti interest sezvinodiwa nemutemo weStatutory Instrument 65A wegore ra2020.
Vakawanda vanosanganisira mutungamiri wesangano rinomirira vanamuzvinazvitoro, re Confederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti vanotambira nemufaro danho iri sezvo mari dzanga dzichingeteswa mabhanga dzanga dzichingopedzwa nemiripo yemabhanga, izvo zvanga zvoita kuti vanhu vazengurire kuisa mari dzavomumabhanga aya.
Izvi zvinotsigirwawo nemutungamiri werimwe sangano rinomirira varimi, re Zimbabwe Integrated Commercial Farmers’ Union, Amai Maiwepi Jiti, avo vanotiwo varimi vakawanda vanga vachitya kuisa mari dzavo kumabhanga.
Asi mutungamiri wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, vanoti chakatanga ndochakachenjedza, sezvo vanhu vakarasikirwa nemari dzavo dzakawandisa dzaive kumabhanga.
Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti miripo pamari dzinenge dziri mumabhanga yanga yagara iripo asi chete kuti yanga ichidyiwa nekukwira kwemitengo yezvinhu kusina tsarukano, kana kuti inflation.
Mutemo weRBZ uyu unoti mari yemunyika inenge ichichengeterwa mubhanga chero nguva inofanirwa kubereka zvikamu zvishanu kubva muzana pagore kuchitiwo mari yekuAmerica ichibereka chikamu chimwe kubva muzana pagore.
Mari dzinenge dzakatarirwa nguva yekugara mubhanga, kana kuti Fixed Deposit dzinenge dzichibereka zvikamu zviviri nezviga zvishanu kubva muzana kana kuti 2.5 percent kana ari madhora ekuAmerica,ukuwo mari yemunyika ichitangira pazvikamu gumi kubva muzana.
Ko zvingakwezva vanhu here kuti vachengetere mari dzavo kumabhanga, pane kuchengetera mudzimba kana kufamba nadzo semadumwa?
Doctor Chitambara vanoti zvinogona kunetsa kuti zvikwezve vanhu sezvo vazhinji vasingaoni paine chidikwadikwa chekuisa mari kumabhanga nemhaka yekuti vanozviitira mabasa emaoko uye vachida kushandisa mari idzi chero nguva.
Vanotiwo zvakare kushandiswa kwenharembozha kufambisa dzimari chimwe chinhu chinogona kuita kuti vanhu vasaone kukosha kwekuisa mari dzavo kumabhanga.
Vanhu vazhinji vakamborasikirwa nemari dzavo dzaive kumabhanga vanoti zvichavatorera nguva kupfumbidza nzira dzekumabhanga kusvika vaona maruva ose ave nechakata.
Facebook Forum